Nhengo dzeMDC dzinosvika gumi neshanu kusanganisira
mwana ane makore maviri, dzakasungwa kupera kwaGumiguru dzichipomerwa mhosva
yekuda kupidigura hurumende, dzanzi hadzisati dzazivikanwa kwadziri kusvika
pari nhasi. Magweta ari kumirira vanhu ava anoti aedza napose paanogona napo kuti mapurisa aburitse vanhu ava muhusungwa,
asi hapana chiri kufamba.
Dare guru redzimhosva rakapawo mutongo wekuti mapurisa aendese vanhu
ava kumatare edzimhosva, asi mapurisa ari kuramba akaisa zvimiti munzeve. Izvi zvakapa kuti magweta ari kumirira vasungwa ava, akumbire dare kuti gurukota rezvemukati menyika, VaKembo Mohadi, pamwe nemukuru wemapurisa, Commissioner-General Augustine Chihuri, vasungwe sezvo vari kuzvidza mutongo wedare. Asi dare harisati rapa mutongo waro pachikumbiro ichi.
Vari
kushayikwa kuti vakachengeterwa kupi vanosanganisira sachigaro wemadzimai muMDC kuMashonaland West,
Amai Concillia Chinanzvavana, murume wavo, VaEmmanuel Chinanzvavana, munyori
wevechidiki, Fidellis Chiramba, pamwe naBaba naMai Mupfuranhehwe nemwanakomana
wavo ane makore maviri.
Munyori anoona nezvekuchengetedzwa kwemukati menyika muMDC, VaGiles
Mutsekwa, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti sezvo bato ravo richiremekedza mutemo wenyika, rakaisa nyaya iyi mumaoko emagweta avo uye
vanotarisira kuti mutemo uchatora nzvimbo yawo.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...