VOICE OF AMERICA Shona

Mavara Chete
Search

 
Commissioner-General Chihuri Vokurudzira Mhirizhonga


07/05/2008
Hurukuro naVaBiggie Chigonero - Download (MP3) audio clip
Hurukuro naVaBiggie Chigonero - Teererai (MP3) audio clip

Vakuru vakuru vemuchipurisa, kubva pana Inspector zvichikwira, vadaidzwa neChitatu kumusangano wechimbi chimbi wanga uchitungamirwa nemukuru wemapurisa, VaAugustine Chihuri.

Musangano uyu wanga uri wekuronga nzira dzinopa kuti mutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, vasarudzwe zvine mutsindo mu run-off iri kurongwa neZEC. Musangano uyu unonzi waitirwa paMorris Depot Sports Club muHarare.

Zvinonziwo musangano uyu wanga uri wekuronga vanofanirwa kusungwa kana kushungurudzwa nehurumende, senzira yekuyambira vanopikisa kuti vakavhotera MDC, vachazvionera pamunhu sefodya. Zvinonziwo zvimwe zvikwata zvichanokonzera mhirizhonga zvatumirwa kuShamva, Mazowe neMount Darwin.

Mashoko atinawo anotiwo vakuru vakuru vemapurisa, masoja, pamwe nevasori, vaitawo musangano muChinhoyi, vachirongera MDC dhende musarudzo iyi.

Ukuwo, mhirizhonga inonzi ichiri kuenderera mberi mudunhu reChiweshe, uko kunonzi vatsigiri veMDC gumi nemumwe, vakapondwa nemasoja pamwe nevechidiki veZanu PF usiku hweMuvhuro. Mitumbi mina yevakaurawa ava, inonzi iri kuchipatara cheConcession, mimwe mitumbi minomwe inonzi iri pachipatara cheHoward kuMashonaland Central.

Vamwe vevakakuvara mumhirizhonga iyi, vanonzi vari muzvipatara zvakakomberedza Chiweshe neHarare umo vari kurapwa.

Mashoko atatambira anotiwo nezuro misha yevatsigiri veMDC yakapiswa pamapurazi anoti Logan, Soma neKief. Zvinonzi mbudzi dzinosvika makumi manomwe neshanu, dzinonzi dzakaparadzwa papurazi reMukungurutse mudunhu reShamva North. Vakapisirwa misha mudunhu reShamva vanonzi vaungana pakamba yemapurisa yemuShamva. 

KuKandeya kuMount Darwin, misha yevakavhotesa musarudzo dzemuna Kurume inonziwo yakapiswa uye kuparadzwa.

Sangano reZimbabwe Election Support Network rakaburitsawo gwaro rekukurudzira mapurisa pamwe nemapato ezvematongerwo enyika kuti vamise kurwiswa pamwe nekushungurudzwa kwevaiongorora sarudzo. Izvi zvinotevera kupiswa kwemisha mubhuku rekwaChibara kuMount Darwin East.

Jonga Kandemiiri weStudio 7 abata vakanga vakamirira MDC musarudzo yemumiriri weMazowe North mudare reparamende, VaBiggie Chigonero, avo vanoti vave mushishi kuronga nezvekuvigwa kwevakapondwa kumisha yavo kuChiweshe.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

emailme.gif Tumira Nyaya Iyi Netsambambozha
printerfriendly.gif Mamiriro Azvinoita Zvadhindwa

  Nyaya Huru Yanhasi
VaTsvangirai Voramba Vakatsika Madziro  Audio Clip Available

  Dzimwe Nhau Dze Studio7
Chirwere che Cholera Chopararira muChitungwiza  Audio Clip Available
VaMwanawasa Vanovigwa Zvine Chiremera muZambia  Audio Clip Available
Varairidzi Vanoti Vakatanga neChipiri Kuramwa Mabasa  Audio Clip Available
Masangano Ozeya Zvinoreva Mutemo Mutsva  Audio Clip Available
Veruzhinji Voomerwa neHupenyu Sezvo Nyika Yaparara  Audio Clip Available
AU: Nhaurirano Ngadzipetwe, Masimba Ogovanwa Nemazvo  Audio Clip Available
Hurumende Yovhiringidza Kugadzwa kweMakanzura kwaRusape  Audio Clip Available
Zvimwe Zvikoro Zvobhadharwa neMari yeKunze kweNyika  Audio Clip Available
Vana Chiremba Votaura Pamusoro peVanhu Vari Kufa neNzara  Audio Clip Available
VaMbeki Votarisirwa muZimbabwe Kuzomutsiridza Nhaurirano  Audio Clip Available
Varairidzi Voronga Kuramwa Mabasa Panovhurwa Zvikoro  Audio Clip Available
Vanorarama neHIV/AIDS Voramba Vachiyaura  Audio Clip Available
Hurumende Inoudza Masangano Anobatsira Kuti Anyorese  Audio Clip Available
Nhaurirano Pakati peMDC neZanu-PF Dzinotangazve  Audio Clip Available
VaMugabe Voshorwa Panyaya dzeNhaurirano  Audio Clip Available
Salamao: SADC Haina Kupa VaMugabe Masimba eKudoma Makurukota  Audio Clip Available
VaGono Voshorwa neNyanzvi Munyaya dzeHupfumi  Audio Clip Available
Zanu PF Yokonzerazve Mhirizhonga muHarare  Audio Clip Available
Nyanzvi Dzozeya Kusarudzwa kwaVaObama  Audio Clip Available
VaMugabe Voronga Kuumba Hurumende Isina MDC Mukati  Audio Clip Available
Ambassador McGee: Zimbabwe Yofa neNzara Chikafu Chakazara Munyika  Audio Clip Available
Nyanzvi Dzotaura Zvingadzidzwe neZimbabwe kuDemocratic National Convention  Audio Clip Available
VaMugabe Vosveeredzwa Pakuvhurwa kweParamende  Audio Clip Available
Kuipa Kwaita Zvinhu Munyika Kobaya Zvikuru Varwere  Audio Clip Available
Paramende Inovharwa Ichibva Yavharwa Kusvika Muna Gumiguru  Audio Clip Available
MDC Yobata Matomu Mudare reParamende  Audio Clip Available
Zvaitika Muparamende Zvoratidza Bato Rinofarirwa  Audio Clip Available
Musangano weDemocratic Party Unotanga muDenver  Audio Clip Available
Nhengo yeMDC Inosungwa Iri  Muparamende  Audio Clip Available
Matutu: Zanu PF Yoronga Kutadzisa MDC Kutungamira Muparamende  Audio Clip Available