Mutungamiri weMDC ,VaMorgan Tsvangirai, vanoti vari kuda kuti mavhoti averengwe patsva vasati vatombotaura nenyaya yesarudzo dzepiri kana kuti run-off.
VaTsvangirai vaudza mutori wenhau Blessing Zulu kuti vari kuda kuti United Nations itumire vaongorori vanouya kuzoferefeta nyaya yemhirizhonga, iyo yatekeshera nenyika. VaTsvangirai vanotiwo havasi kufara kuti SADC iri kuramba ichitungamidza mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, semuyananisi pagakava riri munyika. Vati VaMbeki havakwanisi kuyananisa sezvo vakakundikana pabasa ravakapihwa neSADC.
Zvichakadaro, SADC iri kuenderera mberi nekuyedza kutaura neZanu-PF kuti iite zvinokodzera kuti bato reMDC ripinde musarudzo uye kuti sarudzo iyi, iitwe murunyararo.
Munyori mukuru muSADC, VaTomaz Salamao, vaudza Studio 7 kuti vakasangana neChitatu nemutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, pamwe nevakuru veZimbabwe Electoral Commission, vakakurukura nyaya iyi.
VaSalamao vange vachiperekedzwa negurukota rezvekunze muAngola, VaJose Joao Bernardo Miranda, pamwe naVaMathende Dlamini, gurukota rezvekunze muSwaziland.
VaSalamao nechikwata chavo vabva vaenda kuZambia uye vari kutarisirwawo kuita musangano naVaThabo Mbeki neChina.
Ukuwo gurukota rezvematunhu muSouth Africa, VaSydney Mufamadi, vakasanganawo naVaMugabe neZEC neChipiri vachitaurawo nezvemhirizhonga uye vakataura nezvesarudzo neZEC.
South Africa inonziwo yakatumira chikwata chiri kuferefeta nyaya yemhirizhonga muZimbabwe. Asi mutauriri weMDC VaNelson Chamisa, vanoti havasati vaona chikwata ichi.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...