VOICE OF AMERICA Shona

Mavara Chete
Search

 
MDC neZANU-PF Dzopikisana Zvakabuda Musarudzo


07/05/2008
Hurukuro naVaFarai Maguwu - Download (MP3) audio clip
Hurukuro naVaFarai Maguwu - Teererai (MP3) audio clip

ZANU-PF neMDC dziri kupikisa zvakabuda musarudzo dzevamiriri veparamende mumatunhu anodarika zana.

Bepanhau reHerald rinoti ZANU-PF iri kupikisa zvakabuda mumatunhu anopfuura makumi mashanu, ukuwo MDC ichipikisa zvakabuda mumatunhu anopfuurawo makumi mashanu.

Mutongi mukuru wematare edzimhosva, Justice Godfrey Chidyausiku, vakatopa basa iri kuvatongi vanosvika makumi maviri, zvichitevera kuwedzerwa kwevatongi vedare iri gumi nevanomwe, kuitira kuti nyaya idzi dzinzwikwe nekukurumidza.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vaudza Studio 7 kuti ZANU-PF haifanirwi kunge ichipikisa zvakabuda musarudzo idzi, sezvo vari ivo vakanga vakabata sarudzo idzi. Vati kuenda kumatare izano reZANU-PF rekuti vamiriri veparamende vagadzwe, sezvo vakaona kuti vave bato rinopikisa, mushure mekukundwa musarudzo dzakaitwa muna Kurume.

Umwe anoongorora zvematongerwo, VaChido Makunike, vaudza Studio 7 kuti zviri kuitika pakati pemapato maviri izvi, zvinoratidza kuti dai pasina kuitwa sarudzo idzi, sezvo vose vari kungopikisana pane zvese zvakaitika musarudzo idzi.

Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro naVaFarai Maguwu, avo vanoongorora zvematongerwo enyika, uyezve vari Executive Director veCenter for Research and Development, kuti tinzwe pfungwa dzavo panyaya iyi.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

emailme.gif Tumira Nyaya Iyi Netsambambozha
printerfriendly.gif Mamiriro Azvinoita Zvadhindwa

  Nyaya Huru Yanhasi
Nhaurirano Dzizere dzeMDC neZanu-PF Dzinotanga muSouth Africa  Audio Clip Available

  Dzimwe Nhau Dze Studio7
Kubatsira Vanoshaya Konetsa Nhaurirano Dziri Mudariro  Audio Clip Available
Nyakuponda Oramwirwa Mutumbi weMufi  Audio Clip Available
CZI Inoti Makambani Oramba Akaomerwa  Audio Clip Available
Hurukuro dzeMDC neZanu-PF Dzotanga neChina kuSouth Africa  Audio Clip Available
Mhirizhonga Ichiri Kuitika Kunyange Kutaurirana Kwatanga  Audio Clip Available
Makanzura Okundikana  Mukuita Basa Rawo  Audio Clip Available
ZCTU Yokurudzira RBZ Kuti Mabhanga Ape Vanhu Z$1,5t paZuva  Audio Clip Available
Veruzhinji Votarisira Kutanga kweNhaurirano dzeMDC neZanu-PF  Audio Clip Available
Ishe Negomo Voronga Kudzinga Vatsigiri veMDC Mudunhu Ravo  Audio Clip Available
European Union Inotemera Zvirango Vamwe Vanhu Makumi Matatu neVanomwe  Audio Clip Available
Chin'ono Anowana Mubairo weCNN-Multi Choice Africa Journalist  Audio Clip Available
Zanu-PF neMDC Dzonyorerana Chibvumirano Chekutanga Nhaurirano  Audio Clip Available