VOICE OF AMERICA Shona

Mavara Chete
Search

Mapurisa Anosunga VaMatombo, VaChibebe naVaMaruziva


08/05/2008
Hurukuro naVaAndrew Makoni - Download (MP3) audio clip
Hurukuro naVaAndrew Makoni - Teererai (MP3) audio clip
Hurukuro naVaArthur Mutsonziwa - Download (MP3) audio clip
Hurukuro naVaArthur Mutsonziwa - Teererai (MP3) audio clip

Mutungamiri weZCTU, VaLovemore Matombo, pamwe nemunyori mukuru wesangano iri, VaWellington Chibebe, vasungwa nemapurisa zviri pamutemo vachipomwerwa mhosva yekutaura manyepo pamusangano wekucherechedza zuva revashandi. Asi vaviri ava vari kuramba mhosva yavari kupomerwa. Hazvisati zvazivikanwa kuti vaviri ava vachaapinda mudare riini.

Ukuwo gweta remutori wenhau anoshanda akazvimirira, Frank Chikowore, VaHarrison Nkomo, vachiri muhusungwa, uye vari kutarisirwa kupinda mudare neChishanu vachipomerwa mhosva yekunyomba VaMugabe.

VaNkomo vanga vachifanirwa kumirira Chikowore nevatsigiri veMDC vatanhatu mudare , asi vakundikana sezvo vanga vari muhusungwa. Chikowore nevatsigiri veMDC vatanhatu ava, vanzi vadzoke kudare apo nyaya yavo ichatanga kutongwa.

Ukuwo mupepeti wenhau pa The Standard, VaDavidson Maruziva, vasungwa neChina vachipomerwa mhosva yekuburitsa manyepo. VaMaruziva vari kuramba mhosva yavari kupomerwa. Hazvisi kuzivikanwawo kuti VaMaruziva vachamiswa pamberi pedare riini.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro negweta revarume ava, VaAndrew Makoni, kuti tinzwe mafambiro ari kuita nyaya idzi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

emailme.gif Tumira Nyaya Iyi Netsambambozha
printerfriendly.gif Mamiriro Azvinoita Zvadhindwa

  Nyaya Huru Yanhasi