VOICE OF AMERICA Shona

Mavara Chete
Search

Pan African Parliament Haivimbisiki neZEC


08/05/2008
Hurukuro Nava Otto Saki - Download (MP3) audio clip
Hurukuro Nava Otto Saki - Teererai (MP3) audio clip

Imwe nhengo yePan African Parliament, PAP, Va Sunil Dowarkasing, avo vakaonawo mafambisiro esarudzo munyika, uye vari nhengo yedare reparamende rekuMauritius, vanoti PAP, iyo iri kuita misangano kuSouth Africa, haisi kufara zvachose nezviri kuitika munyika.

PAP ichabuda nezvisungo zvayo nemusi weChishanu svondo rinotevera, pamusoro pezviri kuitika muZimbabwe.

Ukuwo mutungamiri wevamiriri veSADC vakanga vachiongorora sarudzo dzichangopfura, VaKingsley Mamabolo, vanoti muZimbabwe hamukwanisi kuitwa imwe sarudzo nepamusana pemhirizhonga.

Aka ndekekutanga kunzwa mashoko akadai achibva ku SADC.

Ntungamili Nkomo weStudio7 aita hurukuro negweta, Va Otto Saki, kuti tinzwe mafungiro avo pamusana pemashoko ePAP neSADC aya.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

emailme.gif Tumira Nyaya Iyi Netsambambozha
printerfriendly.gif Mamiriro Azvinoita Zvadhindwa

  Nyaya Huru Yanhasi


  Dzimwe Nhau Dze Studio7