Mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, neChishanu vakaita musangano wechimbichimbi nemutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe. Musangano uyu unonzi wakatora maawa mana.
Vane ruzivo nezve musangano uyu vanoti VaMbeki vange vachikurudzira VaMugabe kuti vamise mhirizhonga, kuitira kuti sarudzo ye run-off, iitwe nechimbichimbi.
Pane mashoko ekuti Zimbabwe Electoral Commission iri kudawo kuti sarudzo iyi iitwe kwapera gore, kwete mukati memazuva makumi maviri nerimwe, sezvinodiwa nebumbiro remitemo yenyika.
VaMbeki vange vachitarisirwawo kuita musangano nevatungamiri veMDC. Asi MDC inoti haichina chivimbo naVaMbeki, sezvo vakatadza kuita basa rekuyananisa ravakapihwa neSADC, ichitsigirwa neAfrican Union.
Mutauriri waVaTsvangirai, VaGeorge Sibotshiwe, vaudza mutori wenhau Blessing Zulu kuti vari kuda kuti SADC idome mumwe mutongi gava kana kuti VaMbeki vashande nevamwewo vatungamiri.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...