VOICE OF AMERICA Shona

Mavara Chete
Search

Ambassador McGee Vanoshanyira Avenues Clinic


10/05/2008
Nyaya Ina Slyvia Manika - Download (MP3) audio clip
Nyaya Ina Slyvia Manika - Teererai (MP3) audio clip

Mumiriri we America muZimbabwe, Ambassador James McGee, pamwe nevamiriri veSweden neBritain, vashanyira chipatara cheAvenues Clinic neChishanu, vaine chinangwa chekuona vanhu vakakuvara mumirizhonga, avo vari kurapwa pachipatara ichi.

Ambassador McGee vanoti vatora danho iri, kuitira kuti vaone nemaziso avo, vanhu vari kurapwa pachipatara ichi, zvichitevera kurohwa kwavakaitwa mumhirizhonga yezve matongerwo enyika. Mukoti mukuru wepa Avenues Clinic, Amai Patricia Tavaziva, vaudza Ambassador McGee nevamwe vavo kuti chipatara chavo chiri kurapa vanhu vanodarika makumi maviri, avo vanosanganisira mhuri yekwa Jemedze, iyo yakarohwa zvakaipisisa kuChiweshe kuMashonaland Central. Amai Tavaziva vaudzawo Ambassador McGee zvakare kuti vanhu vari kurapwa pachipatara ichi, vazhinji vavo vari kubva kuMashonaland East, munzvimbo dzakaita se Mudzi, Mutoko neMurehwa, pamwe nekuMashonaland Central.

Ambassador McGee vati havasati vamboona hutsinye pamwe nekusakoshesa kwehupenyu hwevanhu kwakadai, kuburikidza nezvavaona pachipatara ichi. VaMcGee vakurudzira vanhu vose vari kuita hutsinye hwakadai, kuti varege zvavari kuita. Vatiwo muzinda wavo uchaenda kunoona hurumende yaVa Mugabe nezvenyaya yekushungurudzwa kwevanhu uku.

Vachitaurawo vari pa Avenues Clinic, mumiriri weBritain muZimbabwe, VaAndrew Poccock, vati vanoziva kuti mhirizhonga iyi, iri kukonzerwa nevatsigiri vaVaMugabe, kuitira kuti VaMugabe varambe vachitonga.

Amai Tavaziva vati kubvira pakatanga mhirizhonga iyi, chipatara chavo charapa vanhu vanodarika mazana manomwe. Vatiwo intensive care unit yechipatara chavo, ine vanhu vatatu, zvichitevera kufa kwewechina ashaya Chishanu mangwanani.

Kunyange hazvo tiine zita remufi, hatikwanisi kuriburitsa sezvo hama dzake dzisati dzaziviswa.

Dzimwe Nhau Kubva kuSrudio7...

emailme.gif Tumira Nyaya Iyi Netsambambozha
printerfriendly.gif Mamiriro Azvinoita Zvadhindwa

  Nhau Dzinoenderana
 
  Nyaya Huru Yanhasi
VaMugabe, VaTsvangirai naVaMutambara Vokoka VaMbeki Kuzoyananisa  Audio Clip Available  Video clip available

  Dzimwe Nhau Dze Studio7
VaTsvangirai Vanoti Vambomisa Nhaurirano neZanu-PF Kusvika VaMbeki Vapindira  Audio Clip Available
Inflation Inosvika pa231m% Muna Chikunguru  Audio Clip Available
Veruzhinji Vanoti MDC Ngaibude muNhaurirano  Audio Clip Available
Nhaurirano dzeZanu-PF neMDC Dzinotadza Zvakare Kubudirira  Audio Clip Available
United Nations Yotsvagira Zimbabwe Mari yeKutenga Chikafu  Audio Clip Available
Bvunzo dzeGrade 7 Dzinotadza Kunyorwa  Audio Clip Available
Zvimwe Zvitoro Zvotengesa neMari yeKunze  Audio Clip Available
Nhaurirano dzeMDC neZanu-PF Dzinotadzazve Kubudirira  Audio Clip Available
Mabhanga Onzi Haachina Mari  Audio Clip Available
Nzara Yoruma Munyika  Audio Clip Available
Kusawirirana kwaVaTsvangirai naVaMugabe Koramba Kupera  Audio Clip Available
Zuva reUN Habitat Rocherechedzwa Pasi Rose  Audio Clip Available
Sangano reC-Safe Rinoti Huwandu hweVanhu Vanoda Chikafu Huchakwira  Audio Clip Available
The Centre Yotsvaga Nzira dzeKubatsira Vanorarama neHIV/AIDS  Audio Clip Available
CHRA Yotyira Kupararira kweZvirwere Zvinokonzerwa neMvura  Audio Clip Available
VaMbeki Vanobvuma Kuramba Vari Mutongi Gava paGakava remuZimbabwe  Audio Clip Available
Nhaurirano Dzoitirwa paNharembozha neChina?  Audio Clip Available
Nyanzvi Dzopesana paNyaya yeInflation  Audio Clip Available
Nyaya yeKushomeka kweMari Yonetsa Zvikuru  Audio Clip Available
Meya weMasvingo Vanoramba Zvavari Kupomerwa  Audio Clip Available
SADC Inokumbira VaMbeki Kuti Varambe Vari Mutongi Gava paNyaya yeZimbabwe  Audio Clip Available
VaChombo Voramba Vachikanda Nhengo dzeZanu PF muMakanzuru  Audio Clip Available
Ngirande: Vanhu Vanoda Chikafu Vawandisa.  Audio Clip Available
VaTsvangirai naVaMugabe Vanotadza Kuwirirana paNyaya yeMakurukota  Audio Clip Available
Chikafu Choramba Chichinetsa Kuwana Munyika  Audio Clip Available
MDC Inoti VaChombo Vari Kuvhiringidza Mabasa eMakanzuru  Audio Clip Available
Vanhu Votadza Kutora Mari muMabhanga
VaMugabe Vanoti Hurumende yeMubatanidzwa Ichaumbwa Mukupera kweSvondo  Audio Clip Available
Chibvumirano Chorasisa Vatsvagi veHupoteri muSouth Africa  Audio Clip Available
RBZ Inowedzera Mari Inotorwa muBhanga paZuva, ZCTU Inosendeka Kuratidzira  Audio Clip Available
VaMugabe Vokurudzira Kubvisirwa Zvirango Zvavakatemerwa  Audio Clip Available
Kusiya Basa kwaVaMbeki Kotyirwa Kanganisa Nhaurirano  Audio Clip Available
RBZ Inopamhidzira Mari Inotorwa muBhanga paZuva  Audio Clip Available
MDC Inopokana naVaMugabe Panyaya yeDare reMakurukota  Audio Clip Available
ZCTU Inotarira R-B-Z Mazuva eKuti Igadzirise Nyaya dzeMari  Audio Clip Available
European Union Inopa Zimbabwe Mari yeRubatsiro  Audio Clip Available
America Inoti Ichatemera VaMugabe Zvirango Vakasabata  Chibvumirano neNzira Kwayo  Audio Clip Available
Mhirizhinga  Inoitika muMbare Mapurisa Akapeta Zvawo Maoko  Audio Clip Available
Chirwere cheManyoka Chopararira Munyika  Audio Clip Available
Nyika Ingangoshaya Chikafu Kutanga kwaMbudzi  Audio Clip Available
VaZuma Voudza Vanhu Kuti Vabate Hana Dzavo  Audio Clip Available