VOICE OF AMERICA Shona

Mavara Chete
Search

Hurumende Inoramba Kutambira Zvakatarwa naVaTsvangirai


12/05/2008
Hurukuro naVaNelson Chamisa - Download (MP3) audio clip
Hurukuro naVaNelson Chamisa - Teererai (MP3) audio clip

Hurumende yaramba zvakatarwa neMDC zvekuti munyika muve nevaongorori vesarudzo vekunze uye kuti sarudzo dziitwe nechimbi chimbi.

Gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, vati kana vekunze vachida kupinda munyika, vanofanira kutanga vabvisa zvirango zvavakatemera vakuru venyika.

Hatina kukwanisa kutaura neZanu PF neMuvhuro kuti tinzwe divi ravo rizere panyaya iyi. Asi MDC inoti ichapinda musarudzo iyi chete nekuti ine chivimbo chekuti ichakunda zvine mutsindo.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vaudza mutori wenhau weStudio 7 Blessing Zulu kuti vachapinda musarudzo idzi kunyange hazvo nhengo dzavo dziri kuitwa kafiramberi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

emailme.gif Tumira Nyaya Iyi Netsambambozha
printerfriendly.gif Mamiriro Azvinoita Zvadhindwa

  Nyaya Huru Yanhasi


  Dzimwe Nhau Dze Studio7