Vatsigiri veMDC vanonzi vari kuramba vachishungurudzwa nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu PF, pamwe nevanozviti vakarwira hondo yerusununguko. KuMurambinda, Buhera West, mudunhu reManicaland, mumwe mutyairi weMDC anonzi abatwa akarohwa zvakaipisisa nevanozviti vakarwa hondo ava, vachimupomera mhosva yekuda kuba varwere vakakuwadzwa mumhirizhonga kubva muchipatara cheMurambinda.
KuMashonaland East, mumwe mudzimai aibatsira VaIan Kay musarudzo dzemuna Kurume, anonzi akapambwa kubva pamba pake kuMarondera neMuvhuro manheru, ndokurohwa zvakaipisisa. Amai ava vanonzi vazowanikwa vakakandwa mune kamwe kasango vakakuwadzwa zvinotyisa. Hatina kukwanisa kuudzwa zita remudzimai uyu.
Ukuwo, mumwe wevarume vaviri vakapambwawo mumusha mumwe chetewo neMuvhuro, anonzi awanikwa akarohwa zvakaipisisa. Mumwe wake waaive naye haasati awanikwa.
Zvichakadaro, gurukota rezvehutano uye vari nhengo inomirira Murehwa North muparamende, VaDavid Parirenyatwa, varamba mashoko ekuti vane chekuita nemhirizhonga iri kuitika mudunhu reMurehwa.
Sangano reMurehwa Development Trust masvondo mashanu apfuura rakaburitsa gwaro raiti VaParirenyatwa nemamwe makurukota ndivo vari kukurudzira mhirizhonga mudunhu reMurehwa.
VaParirenyatwa vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti ivo vari kutotungamira mukushoropodza mhirizhonga mudunhu ravo uye nyika yose.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...