Vanhu mumaruwa vari kunyimwa chikafu kana vasina kuburitsa makadhi emusangano weZanu PF. Ukuwo hurumende yakarambidza masangano ose anopa rubatsiro kusevenza ichivapomera mhosva yekushanda nebato reMDC.
Izvi zvasiya mhomho yeZimbabwe yatarisana nedambudziko guru. Vamwe vari kuti zvose izvi zviri kuitwa nepamusana pekuti Zanu PF iri kuda kumanikidza vanhu kuti vavhotere VaMugabe pasarudzo ye run-off.
Mukutsvaga mhinduro panyaya iyi, Jonga Kandemiiri weStudio 7, abata nyanzvi mune zvematongerwo enyika, Professor John Makumbe, pamwe nemutewedzeri wasachigaro weNANGO, VaJohn Chitekuteku, avo vashoropodza danho rehurumende rekurambidza masangano akazvimirira oga kupa rubatsiro nyika yakatarisana nenzara.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...