Bato reMDC rinoti nyaya
yaVaRobert Mugabe yekupinda musarudzo ye run-off vega, uye kuzviti ndivo vakakunda musarudzo isina akakwikwidzana navo, yakavhara mukana wekuti pave
nekutaurirana pakati pemapato maviri aya.
Munyori mukuru weMDC, VaTendai Biti,
vanoti zvave kunetsa kutaurirana naVaMugabe, sezvo vave kuzvitora semutungamiri
wenyika. Nekowo mutauriri waVaMugabe, VaGeorge Charamba, vanotiwo havasi kuda
kuumba hurumende yemubatanidzwa sezvakaitwa kuKenya. VaCharamba vanonzi vanga vachinetsana nevatori venhau kumusangano weAfrican Union, vasvikawo pakutuka vatori venhau ava vanga vachivabvunza mibvunzo.
Kunyange hazvo MDC neZanu-PF zviri kutatsurana, gurukota rezvekunze muSouth Africa, Amai Nkosazana Dhlamini-Zuma, vanoti MDC neZanu-PF dzave pedyo kunyorerana chibvimirano
chekushanda pamwe.
Asi MDC inoti zviri kutaurwa naMai Dhlamini Zuma manyepo. VaTsvangirai mbune vasangana nevatumgamiri vemasangano akazvimirira oga,
evashandi uye vadzidzi vakati pasara nzira nhatu kuti dambudziko renyika
ripere.
Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti VaTsvangirai vati panogona kuumbwa hurumende inombofanobata matomu kwemakore maviri, hurumende yemubatanidzwa kwemakore mashanu kana kuti kusiya VaMugabe vachitonga havo.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...