Sangano reZimbabwe Peace Project (Z-P-P),
rinoti mapurisa atanga kusunga vechidiki mumakamba akaiswa kuChitungwiza. Studio
7 haina kukwanisa kuziva kuti hurongwa uhu hwaitikawo here munzvimbo
dzakasiyana siyana munyika. Z-P-P inotiwo mapurisa neMuvhuro akasunga vanhu
vanosvika makumi matatu nevana vainge vapotera pamusha pasachigaro weMDC kuNyanga
kuManicaland, VaSavour Chiodza. Sangano iri rinoti mhirizhonga yakaitikawo kuBikita,
Hwange Central pamwe nekuMidlands.
Ukuwo masangano eProgressive Teachers Union of Zimbabwe
neZimbabwe Congress of Trade Unions, anoti nhengo dzawo dziri kugara dzichitya
kupambwa kana kushungurudzwa nevatsigiri veZanu PF. Masangano maviri aya neMuvhuro akaburitsa magwaro anotaura kuti
nhengo dzavo dziri kushungurudzwa uye kuti dzava kugara dzichityira hupenyu
hwadzo.
P-T-U-Z inoti hutungamiri hwayo huri kugara kuchishanyirwa nevanhu
vasingazivikanwi kuti ndivanaani. Ukuwo Z-C-T-U inoti vamwe vevatungamiri vayo
vari mumatunhu akasiyana siyana, vari kuramba vachishungurudzwa, kunyange hazvo
sarudzo yerunoff yakapfuura.
Mutungamiri weP-T-U-Z, VaTakavafira Zhou, vaudza
Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti sangano ravo rine nhengo nhanhatu dzakapondwa
mumhirizhonga yezvematongerwo enyika.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...