VOICE OF AMERICA Shona

Mavara Chete
Search

VaTsvangirai Vanoti Kwete kuHurumende yeMubatanidzwa naVaMugabe


02/07/2008
Nyaya Ina Slyvia Manika - Download (MP3)
Nyaya Ina Slyvia Manika  - (Default) (MP4)
Hurukuro naVaJoram Gumbo - Download (MP3) audio clip
Hurukuro naVaJoram Gumbo - Teererai (MP3) audio clip
Hurukuro naVaJoy Mabhenge - Download (MP3) audio clip
Hurukuro naVaJoy Mabhenge - Teererai (MP3) audio clip

Mutungamiri we MDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti havasi kuzotambira kurudziro yeAfrican Union yekuti munyika muumbwe hurumende yemubatanidzwa. VaTsvangirai vanoti African Union yaifanirwa kunyatsozeya zvakaitika musarudzo, uye kuti ibude nechisungo chinokomekedza VaMugabe kuti vaite sarudzo dzakachena. VaTsvangirai vatiwo VaMugabe vanofanirwa kumisa mhirizhonga, kana vachida kutaura neMDC. Mutungamiri we MDC atiwo havana chivimbo nebasa riri kunzi mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, vaite mukuedza kuyananisisa gakava riri pakati paVaMugabe neMDC. Sekutaura kuri kuita Slyvia Manika, VaTsvangirai vatiwo hachisi chokwadi kuti bato ravo riri kutaurirana neZanu PF.

Ukuwo sangano reEuropean Union rinoti kana pakaitwa hurumende yemubatanidzwa muZimbabwe, hurumende iyi inofanirwa kutungamirwa naVaTsvangirai. Ukuwo mutungamiri weBritain, VaGordon Brown, vanotiwo VaMugabe vane maoko aneropa, nekudaro hapana anofanirwa kutambira kusarudzwa kwavo.

Asi VaMbeki vanoti EU haifanirwe kupindira pagakava reZimbabwe, vachiti zviri kuvana veZimbabwe kuti ndiyani anovatungamira. America inotiwo iri kuendesa gwaro rine mazita gumi nemaviri evanhu vanofanirwa kutemerwa zvirango zvakaomarara neUnited Nations.

Vanhu ava vanosanganisirawo VaMugabe, pamwe nagavhuna we Reserve Bank of Zimbabwe, VaGideon Gono. 

Nhengo yeZanu PF, VaJoram Gumbo vaudza mutori wenhau weStudio 7 kuti Zanu-PF yakagadzirira  kutaurirana neMDC. Ukuwo VaJoy Mabhenge, avo vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vaudzawo Blessing Zulu kuti vanhu vemuZimbabwe chavanoda isarudzo yakachena kwete hurumende yemubatanidzwa.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

emailme.gif Tumira Nyaya Iyi Netsambambozha
printerfriendly.gif Mamiriro Azvinoita Zvadhindwa

  Nyaya Huru Yanhasi
VaMbeki Voyedza Zvakare Kuyananisa Zanu PF neMDC?  Audio Clip Available

  Dzimwe Nhau Dze Studio7
Zvinhu Zvoita Manyama Amire neRongo muNyaya dzeHutano  Audio Clip Available
Magweta eMDC Oronga Kusungisa VaMohadi  Audio Clip Available
MDC neZanu-PF Dzotatsuranazve Panyaya yeDare reMakurukota  Audio Clip Available
Mapurisa Anorova Vashandi vemuZvipatara Vanga Vachiratidzira  Audio Clip Available
Machechi Oshora SADC Iyo Yakatadza Kupedza Gakava Riri muZimbabwe  Audio Clip Available
CPJ Yoshora Kushungurudzwa kweGweta Rinomirira Vatori veNhau  Audio Clip Available
VaTsvangirai Votsvagira Nyika Rubatsiro rweChikafu kuEuropean Union  Audio Clip Available
Chirwere che Cholera Chopararira Zvinotyisa Hurumende Yakatarisa  Audio Clip Available
Nzara Yoruma Vanhu Vakawanda Munyika  Audio Clip Available
MDC National Council Inoti Kwete kuHurumende yeMubatanidzwa  Audio Clip Available
VaKofi Annan Vonanga KuZimbabwe Svondo Rinouya  Audio Clip Available
Dzimwe Nhengo dzeZapu Dzosiya VaMugabe neZanu PF Yavo  Audio Clip Available
MDC Inoti Haisi Kupinda muHurumende yeMubatanidzwa  Audio Clip Available
Nyanzvi Dzozeya Kusawirirana kwaVaTsvangirai naVaMugabe  Audio Clip Available
Cholera Yotora Hupenyu hweVanhu Vakawanda, Hurumende Yakatarisa  Audio Clip Available
MDC Inomira naVaTsvangirai, VaMugabe Vogadza Vega Makurukota  Audio Clip Available
Zvinhu Zvinokwira Zvakanyanya Mitengo Yazvo Svondo Rino  Audio Clip Available
Mapurisa Anotadza Kuunza Nhengo dzeMDC kuDare reDzimhosva  Audio Clip Available
MDC Inoti Manyepo eZanu PF Kuti Inoda Kupidigura Hurumende  Audio Clip Available
Mapurisa Anosunga, Uye Kurova Nhengo dzeNCA Dzichiratidzira  Audio Clip Available
WFP Yoderedza Chikafu Chichapihwa Vanhu Mwedzi waMbudzi  Audio Clip Available
VaTsvangirai Vanoramba Kutambira Chisungo cheSADC  Audio Clip Available
Global Fund Inopa Zimbabwe US$169m  Audio Clip Available
Vanhu Vaviri Vanofa neNzara kuBinga  Audio Clip Available
SADC Yosangana neSvondo Kuti Izeye Zimbabwe neDRC  Audio Clip Available