Bato reMDC rinotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai rinoti rakazvipira
kutaurirana nehurumende ye ZANU PF kuitira kuti munyika muumbwe hurumende ichatonga kwechinguvana, kana kuti Transitional Authority. Mutauriri webato iri, VaNelson Chamisa,
vanoti vane tarisiro yekuti VaTsvangirai ndivo vachatungamira hurumende
iyi, sezvo vakakunda VaMugabe musarudzo yakaitwa muna Kurume.
VaChamisa vaudza Brenda Moyo weStudio7 zvavanoti zvakanakira Transitional Authority pane kuita hurumende yemubatanidzwa, kana kuti Government of National Unity.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7....