Vatsigiri veMDC vanodarika mazana
maviri, vaenda kunotsvaga hupoteri kumuzinda weAmerica muZimbabwe. Vanhu ava
vanga vachigara pamuzinda webato iri, paHarvest House muHarare, mushure
mekutiza mhirizhonga. Vanhu vaungana pamuzinda uyu, vanosanganisirawo vana
vadiki nevanhu vakwegura.
Mwedzi wapera,
dzimwe nhengo dzeMDC dzakaendawo kunopotera pamuzinda weSouth Africa muZimbabwe. Asi vanhu ava vakazobviswa ndokubva vaendeswa kunogariswa kuRuwa. Mumiriri weAmerica muZimbabwe, VaJames
Mcgee, vati vari mushishi rekutsvaga rubatsiro rwekupa vanhu vapotera pamuzinda
wavo. Zvinonzi mapurisa akazara panze pemuzinda uyu.
VaSimbarashe
Mungani mumwe weavo vapotera pumuzinda weAmerica muZimbabwe.
VaMungani vaudza Chris Gande
weStudio 7 kuti vakatiza musha wavo kwaMutoko vakazopotera kuHarare.
Zvichakadaro, bato reMDC rinoti vanhu
vakaendeswa kunogara pamahofisi eRuwa Rehabilitation Centre, iri
kuRuwa, mushure mekubviswa pamuzinda weSouth Africa, vari kubatwa
senhapwa. Bato iri rinoti vanhu ava havabvumidzwi kubuda mukamba iyi, uye
vebato iri havabvumidzwi kushanyira vanhu ava.
Zvinofungidzirwa kuti mukamba
umu mune vanhu vanodarika mazana matatu, kunyange hazvo vamwe vari
kufungidzirwa kuti vakatiza.
VaFred Makuvise, avo vanoshanda kudivi rezve
kubatsirwa kwevanhu kana kuti welfare muMDC, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7
kuti vari kutambira mashoko ekuti vamwe vevanhu ava vari kutorwa usiku nevanhu
vasingazivikanwi uye havasi kuzoonekwa zvakare.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...