Mutungamiri
weBritain, Va Gordon Brown, vanoti muZimbabwe munofanirwa kunge muine mauto
apasi rose anochengetedza runyararo, sezvo mauto emunyika ari kushungurudza
nhengo dzeMDC. Reuters inoti VaBrown vataura mashoko aya neChina muparamende.
VaBrown vatiwo MDC inofanirwa kuremekedzwa zvakakodzera, sezvo yakasarudzwa
nevanhu vakawanda muna Kurume.
Ukuwo America iri kutora mukana wekuva sachigaro
we United Nations Security Council, kuti ipinza mudariro gwaro rezvisungo
zvekuomesera VaMugabe nehurumende yavo.
Zvisungo izvi zvachazeyiwa nedare reSecurity Council musangano weChipiri usati waitwa.
VaEarnest Mudzengi ndivo National
Director veNCA, uye vachiongorora zvematongerwo enyika.
Patience Rusere weStudio
Seven aita hurukuro naVaMudzengi kuti
tinzwe pfungwa dzavo pane zviri kurongerwa VaMugabe nedzimwe nyika.
Dzimwe Nhau Kubva KuStudio 7 ...