Mutungamiri weSouth Africa,
VaThabo Mbeki, vasangana nemutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, neMugovera,
ndokuita hurukuro dzisina kuburitswa pachena. Gurukota rinoona nezve kuburitswa
kwemashoko, VaSikhanyiso Ndlovu, varamba kutaura kuti zvii zvakurukurwa pakati
paVaMbeki naVaMugabe.
Mushure menguva pfupi VaMbeki vachitaura naVaMugabe,
vaviri ava vazoitazve hurukuro nevakuru vechikwata cheMDC inotungamirwa naVa
Arthur Mutambara. Vapinda mumusangano uyu vanosanganisirawo VaMutambara pachavo,
munyori mukuru wechikwata ichi, VaWelshman Ncube, pamwe nemutevedzeri wavo,
Amai Priscillah Misiharambwi Mushonga. Patience Rusere weStudio7 abata
VaMutambara kuti tinzwe zvakurukurwa mumusangano wavapinda uyu. Asi mutauriri
we MDC, VaNelson Chamisa, vanoti VaTsvangirai havangaendi kuState House
kunotaura naVaMbeki naVaMugabe, sezvo vasingatambire kusarudzwa kwaVaMugabe.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7 ...