VOICE OF AMERICA Shona

Mavara Chete
Search

Paramende Inosungirwa Kutanga Basa Munguva Pfupi Inotevera


07/07/2008
Hurukuro naVa Innocent Gonese - Download (MP3) audio clip
Hurukuro naVa Innocent Gonese - Teererai (MP3) audio clip

Nyanzvi munyaya dzezvemitemo dzinoti dare reparamende, raifanirwa pamutemo kutanga basa musi wa 29 Chikumi, apo pakagadzwa VaMugabe kuve mutungamiri wenyika. 

Nyanzvi dzinoti bumbiro remitemo yenyika rinoti paramende haifanirwi kugara mazuva anopfuura zana nemakumi masere, kubva payakaputswa, isati yatanga basa. Izvi zvinoreva kuti nhengo dzematare aya dzinofanirwa kugadzwa nekutanga basa mukati memazuva gumi anotevera. 

Imwe nyanzvi munyaya dzezvemitemo, Professor Greg Linnington, avo vanodzidzisa paUniversity of Zimbabwe, vaudza Studio 7 kuti hurumende inosungirwa kutevedzera zviri mubumbiro remitemo enyika, asi dambudziko riripo nderekuti vari kuzviti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, havana kusarudzwa zviri pamutemo.

Panyaya yekushungungurudzwa kana kusungwa kuri kuitwa vakasarudzwa kumirira MDC muparamende, Professor Linnington vati kushaikwa kwenhengo dzeparamende dzakakwana, hakutadzisi matare eparamende kuti atange basa. Asi VaKinnington vati zvinonetsa kuti vebato rinopikisa vashande mumatare aya, ivo vari kushungurudzwa neveZANU-PF.


Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro naVa Innocent Gonese, avo vakasarudzwa kuve mumiriri we Mutare Central muparamende, avo vanoti havasati vatomboudzwa kuti vachatanga basa riini.


Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

emailme.gif Tumira Nyaya Iyi Netsambambozha
printerfriendly.gif Mamiriro Azvinoita Zvadhindwa

  Nyaya Huru Yanhasi
MDC Yopemberera Kusvitsa Makore Mapfumbamwe  Audio Clip Available

  Dzimwe Nhau Dze Studio7
Zimbabwe Yobuditsa VaMbeki Dikita  Audio Clip Available
Nzara Yorwadza Vanhu Vakawanda muZimbabwe  Audio Clip Available
South Africa Yoronga Kudzinga Vapoteri Vasina Mvumo  Audio Clip Available
VaTsvangirai Voramba Vakatsika Madziro  Audio Clip Available
Chirwere che Cholera Chopararira muChitungwiza  Audio Clip Available
VaMwanawasa Vanovigwa Zvine Chiremera muZambia  Audio Clip Available
Varairidzi Vanoti Vakatanga neChipiri Kuramwa Mabasa  Audio Clip Available
Masangano Ozeya Zvinoreva Mutemo Mutsva  Audio Clip Available
Veruzhinji Voomerwa neHupenyu Sezvo Nyika Yaparara  Audio Clip Available
AU: Nhaurirano Ngadzipetwe, Masimba Ogovanwa Nemazvo  Audio Clip Available