Musangano
wenyika sere dzakabudirira weG8 wakatanga muJapan neMuvhuro vatungamiri venyika idzi
vachisangana nevatungamiri venyika dzemuAfrica, avo vakakokwawo kumusangano
uyu.
Nyika dzemuAfrica dziri kumusangano uyu dzinoti, Nigeria, Senegal, Ethopia, Ghana, South Africa neTanzania.
Vatungamiri veG8 vanonzi vaonesa
mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, ndondo vachiti vari kutadza
kugadzirisa dambudziko reZimbabwe.
Zvinhu zvinonzi zvabva zvanyanyoomera VaMbeki nekuti nyika dzakaita seNigeria, Ethopia neTanzania, dziri kuramba
kutambira VaMugabe semutungamiri wenyika.
Ghana neSenegal dzinotiwo VaMugabe
vanofanira kushanda neMDC. Ukuwo America iri kutarisirwa neChipiri kukurudzira United Nations Security Council, kuti itemere VaMugabe nevamwe vavo zvirango
zvakaomarara.
Nyika dzakawanda dziri kukurudzira kuti VaMbeki vabatsirwe
nenhumwa yeUnited Nations kana kuti yeAU mukugadzirisa gakava riri munyika, sezvo VaMbeki vatadza kunyatsogadzirisa gakava iri.
Nemugovera, mutungamiri weMDC VaMorgan Tsvangirai, vakaramba kusangana
naVaMbeki, avo vakazopedzisira vaita musangano naVaMugabe, pamwe naVaArthur Mutambara vechimwe chikwata cheMDC.
VaPedzisayi Ruhanya vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika,
uye vari Programmes Manager weCrisis in Zimbabwe Coalition.
VaRuhanya vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti zviri kuitwa neG8 zvinokurudzirwa nekuti VaMbeki vari kukundikana mukugadzirisa dambudziko riri muZimbabwe.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...