Sangano reZimbabwe Peace Project rinoti mhirizhonga
iri kuramba ichienderera mberi mudunhu reMidlands, umo vanhu vakawanda vari
kunzi vari kupondwa uye kushungurudzwa neZanu PF. Sangano iri
rinotiwo mhirizhonga iyi iri kuitikawo mumamwe matunhu ari munyika. Zimbabwe Peace
Project inofamba ichitora humbowo hwemhirizhonga iri kuitika munyika.
Mashoko
atiri kunzwa kubva kuManicaland, anotiwo vatsigiri vatatu veMDC kuMakoni South,
vakapambwa neMugovera, uye hapana ari kuziva kuti varipi.
Ukuwo bato reMDC
rinoti vechidiki veZanu PF, pamwe nevanozviti vakarwa hondo yerusununguko,
vakapinda mukamba iri kuchengeterwa vatsigiri vayo kuRuwa. Vanhu ava vakatiza
mhirizhonga iri kuitika munyika. Bato iri rinoti harisati raziva kuti sei izvi
zvakaitika sezvo nzvimbo iyi ichi chengetedzwa siku nesikati.
Kamba
yepaRuwa inofungidzirwa kuti ine vanhu vanodarika mazana matatau, avo vakanga
vambopotera pamuzinda weSouth Africa uri muHarare. Svondo rapera MDC yakazivisa
kuti vanhu ava vari kugara senhapwa sezvo vasingabvumidzwi kubuda mukamba umu,
kana kushanyirwa.
Tatadza kubata vebazi rezvekugara kwakanaka kwevanhu kuti
tinzwewo divi ravo panyaya iyi.
Jonga Kandemiiri weStudio 7 abata VaFred Makuvise,
avo vanoshanda mubazi reMDC rinoona nezve kubatsirwa kwevanhu, avo vamuudza kuti
vari kunetseka kuziva kuti pane vanhu vapondwa here uye kuti vanhu vangani
vapambwa, sezvo vari kurambidzwa kupinda mukamba umu.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...