VOICE OF AMERICA Shona

Mavara Chete
Search

Masoja Anoedza Kupinda neChisimba Mumba maVaTsvangirai


07/07/2008
Hurukuro naVaGiles Mutsekwa - Download (MP3) audio clip
Hurukuro naVaGiles Mutsekwa - Teererai (MP3) audio clip

Masoja anga akapakatira pfuti dzerudzi rweAK47, uye ari mumotokari mbiri, anonzi aenda kumba kwemutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, achida kupinda mumba kuti ataure navo. Zvinonzi vachengetedzi vepamba paVaTsvangirai, varamba kuvhura gedhi, uye varambawo kutyisidzirwa nemasoja aya.

Zvinonzi masoja aya atyisidzira vachengetedzi vepamba apa achiti anogona kuvauraya kana vakaramba kuvhura gedhi. Asi vachengetedzi ava vanonzi varamba vakatsika madziro vachiti zviri nani kuti vafe zvavo, pane kuregera masoja aya achipinda mumba maVaTsvangirai.

VaTsvangirai vakambogara kunze kwenyika kwemasvondo akati wandeyi vachiti vaityira hupenyu hwavo kana vakadzokera kumusha. Izvi zvinotevera yambiro yavakapihwa nemadzisahwira avo ari muhurumende. Asi hurumende, kubudikidza nemukuru wemapurisa, Police Commissiner General, Augustine Chihuri, yakati hupenyu hwaVaTsvangirai hwakange husiri munjodzi. Mashoko aya akatsinhirwawo naVaMugabe, avo vakati hapana aida kupfuudza mutungamiri weMDC.

Zvinoshamisa ndezvekuti seyi vanhu vakaita saVaChihuri vachisiya masoja achiita pamadiro achienda kumba kwaVaTsvangirai. Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa, kanawo remauto pachiitiko ichi.

Munyori anoona nezve kudzivirirwa kwenyika muMDC, VaGiles Mutsekwa, vati zvaitwa nemasoja hazviratidzi chimiro chakanaka kuhurumende yaVaMugabe. VaMutsekwa vaudza Patience Rusere weStudio7 kuti masoja aya haana mvumo yekuenda kumba kwaVaTsvangirai.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

emailme.gif Tumira Nyaya Iyi Netsambambozha
printerfriendly.gif Mamiriro Azvinoita Zvadhindwa

  Nyaya Huru Yanhasi
Kusawirirana kwaVaTsvangirai naVaMugabe Koramba Kupera  Audio Clip Available

  Dzimwe Nhau Dze Studio7
Zuva reUN Habitat Rocherechedzwa Pasi Rose  Audio Clip Available
Sangano reC-Safe Rinoti Huwandu hweVanhu Vanoda Chikafu Huchakwira  Audio Clip Available
The Centre Yotsvaga Nzira dzeKubatsira Vanorarama neHIV/AIDS  Audio Clip Available
CHRA Yotyira Kupararira kweZvirwere Zvinokonzerwa neMvura  Audio Clip Available
VaMbeki Vanobvuma Kuramba Vari Mutongi Gava paGakava remuZimbabwe  Audio Clip Available
Nhaurirano Dzoitirwa paNharembozha neChina?  Audio Clip Available
Nyanzvi Dzopesana paNyaya yeInflation  Audio Clip Available
Nyaya yeKushomeka kweMari Yonetsa Zvikuru  Audio Clip Available
Meya weMasvingo Vanoramba Zvavari Kupomerwa  Audio Clip Available
SADC Inokumbira VaMbeki Kuti Varambe Vari Mutongi Gava paNyaya yeZimbabwe  Audio Clip Available
VaChombo Voramba Vachikanda Nhengo dzeZanu PF muMakanzuru  Audio Clip Available
Ngirande: Vanhu Vanoda Chikafu Vawandisa.  Audio Clip Available
VaTsvangirai naVaMugabe Vanotadza Kuwirirana paNyaya yeMakurukota  Audio Clip Available
Chikafu Choramba Chichinetsa Kuwana Munyika  Audio Clip Available
MDC Inoti VaChombo Vari Kuvhiringidza Mabasa eMakanzuru  Audio Clip Available
Vanhu Votadza Kutora Mari muMabhanga
VaMugabe Vanoti Hurumende yeMubatanidzwa Ichaumbwa Mukupera kweSvondo  Audio Clip Available
Chibvumirano Chorasisa Vatsvagi veHupoteri muSouth Africa  Audio Clip Available
RBZ Inowedzera Mari Inotorwa muBhanga paZuva, ZCTU Inosendeka Kuratidzira  Audio Clip Available
VaMugabe Vokurudzira Kubvisirwa Zvirango Zvavakatemerwa  Audio Clip Available
Kusiya Basa kwaVaMbeki Kotyirwa Kanganisa Nhaurirano  Audio Clip Available
RBZ Inopamhidzira Mari Inotorwa muBhanga paZuva  Audio Clip Available
MDC Inopokana naVaMugabe Panyaya yeDare reMakurukota  Audio Clip Available
ZCTU Inotarira R-B-Z Mazuva eKuti Igadzirise Nyaya dzeMari  Audio Clip Available
European Union Inopa Zimbabwe Mari yeRubatsiro  Audio Clip Available
America Inoti Ichatemera VaMugabe Zvirango Vakasabata  Chibvumirano neNzira Kwayo  Audio Clip Available
Mhirizhinga  Inoitika muMbare Mapurisa Akapeta Zvawo Maoko  Audio Clip Available
Chirwere cheManyoka Chopararira Munyika  Audio Clip Available
Nyika Ingangoshaya Chikafu Kutanga kwaMbudzi  Audio Clip Available
VaZuma Voudza Vanhu Kuti Vabate Hana Dzavo  Audio Clip Available