Mutumbi wemushandi weMDC mudunhu reMashonaland
West, VaJoshua Bakacheza, wakawanikwa neMugovera wakapondwa kuBeatrice, pedyo
neHarare.
Sekutaura kuri kuita mutori wedu wenhau, Arthur Chigoriwa, VaBakacheza vakapambwa pamwe chete naVaTendai Chidziwo, imwe nhengo yeMDC masvondo
maviri apfuura.
Bato reMDC rinotiwo vechidiki veZanu PF vari kutevera nhengo
dzaro dzakakuwadzwa mumhirizhonga, idzo dziri muzvipatara vachidzishungurudza. Bato
iri rinoti izvi zviri kuitika mumatunhu eMidlands, Mashonaland West neManicaland,
uko kunonzi vamwe vevanhu vari muzvipatara ava, vakapambwa uye havasi
kuzivikanwa kuti varipi.
Mushandi anoona nezvekuburitswa kwemashoko muMDC, VaLuke
Tamborinyoka, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vatsigiri veZanu PF ava
varwisa zvakare nhengo dzavo dzakapotera kuRuwa mushure mekutiza mhirizhonga.
Zvichakadaro,
mashoko atatambira anoti mapurisa kuGokwe neSvondo akabata amburenzi yaida
kutora varwere vakakuvadzwa mumhirizhonga yakaitika kuGokwe-Chireya. KuGokwe kwakare,
zvinonzi vechidiki veZanu PF nevarwiri vehondo yerusununguko neChina chesvondo
rapera, vakarambidza vana chiremba vesangano reDoctors Without Borders, kuti
vaone vakakuvadzwa mumhirizhonga vari pachipatara chekuGokwe.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...