Nhanga nhaurirano
pakati pemdc neZanu-PF dzakatanga muPretoria neChina. Mutevedzeri wegurukota
rezvekuburitswa kwemashoko VaBright Matonga vatenda kuti nhaurirano idzi
dzatanga.
Mashoko aya atsinhirwawo naVaMukone Ratshitanga mutauriri
wemutungamiri weSouth Africa VaThabo Mbeki, vanova mutongi gava pagakava iri.
Asi mutungamiri weMDC VaMorgan Tsvangirai vanoti hapana hurukuro chaidzo dzatanga asi kuti varikuyedza kuti vape divi ravo kuti hurukuro dzifambire mberi sezviri kudiwa neAU.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti Zanu-PF iri kuitawo chimbi chimbi kuti sarudzo iitwe sezvo pasina nyika yati yatambira zviripamutemo kusarudzwa kwavamugabe muAfrica kunze
kwaVaOmar Bongo vekuGabon avo vakatora chigaro chekutungamira nyika iyi
muna1967. Vari kumiririra Zanu-PF ndiVaPatrick Chinamasa naVaNicholas Goche.
MDC
yaVaTsvangirai iri kumirirwa naVaElton Mangoma naVaTendai Biti. Ukuwo MDC
yaVaMutambara irikumirirwa naVaWelshman Ncube naamai Priscilla Misihairambwi Mushonga mutevedzeri wavo. Nhanga nyaya idzi dzakanangana nekuona kuti votora
gwara ripi kuti vagovane masimba sezviri kudiwa neAfrican Union.
VaEarnest Mudzengi National Director WeNCA vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti VaMugabe vari kuda nhaurirano sezvo hupfumi hwawondomoka uye pasina arikutambira kusarudzwa kwavo.
Dzimwe nhau kubva kuStudio 7...