VOICE OF AMERICA Shona

Mavara Chete
Search

Dare reI-C-C Rozeya Chikumbiro Chekuti VaBashir Vasungwe


14/07/2008
Hurukuro naVaGabriel Shumba - Download (MP3) audio clip
Hurukuro naVaGabriel Shumba - Teererai (MP3) audio clip

Vachuchisi vedare reInternational Criminal Court, kana kuti ICC, vapomera neMuvhuro mutungamiri weSudan, VaOmar al Bashir, mhosva yekuurayisa vanhu vakawanda, mhosva dzehondo, pamwe nemhosva dzekutyora kodzero dzevanhu muSudan.

Muchuchisi mukuru wenyaya idzi, Va Luis Moreno-Ocampo, vaudza dare kuti Va Bashir vaitungamira hurongwa hwekubatwa chibharo kwevanhukadzi, kupondwa kwevanhu, uye kubudiswa nechisimba kwemamwe marudzi munzvimbo dzavaigara.

VaMoreno Ocampo vakumbirawo vatongi vatatu vedare iri, kuti vapihwe mvumo yekusunga VaBashir, kuitira kuti vasauraye vamwe vanhu vari mudunhu re Darfur, umo mune chikwata che Janjaweed, icho chiri kushandiswa naVaBashir mukuponda vanhu kuchamhembe kwe Sudan.

Mazuva mashoma apfura, dare re ICC rakasunga vaimbova mutungamiri wevapanduki ku DRC, Va Jean Piere Bemba, avo vari kupomerwa mhosva yakafanana neyaVa Bashir.

Kana VaBashir vakasunga nedare iri, vachava mutungamiri wenyika wechitatu kusungwa achiri muhutongi, zvichitevera kusungwa kwaVa Charles Taylor veku Liberia, pamwe naVaSlobodan Milosevic vekuYugoslavia.

VaGabriel Shumba igweta rinorwira kodzero dzevanhu, uye vari Executive Director ve Zimbabwe Exiles Forum.

Ntungamili Nkomo weStudio7 aita hurukuro naVaShumba kuti tinzwe kuti zviri kuitwa ne ICC zvinorevei kuvatungamiri venyika vakaita saVaMugabe avo vari kunzi vamiswewo pamberi pedare iri sezvo vaurayisa vanhu vakawanda.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

emailme.gif Tumira Nyaya Iyi Netsambambozha
printerfriendly.gif Mamiriro Azvinoita Zvadhindwa

  Nyaya Huru Yanhasi
VaMugabe, VaTsvangirai naVaMutambara Vokoka VaMbeki Kuzoyananisa  Audio Clip Available  Video clip available

  Dzimwe Nhau Dze Studio7
VaTsvangirai Vanoti Vambomisa Nhaurirano neZanu-PF Kusvika VaMbeki Vapindira  Audio Clip Available
Inflation Inosvika pa231m% Muna Chikunguru  Audio Clip Available
Veruzhinji Vanoti MDC Ngaibude muNhaurirano  Audio Clip Available
Nhaurirano dzeZanu-PF neMDC Dzinotadza Zvakare Kubudirira  Audio Clip Available
United Nations Yotsvagira Zimbabwe Mari yeKutenga Chikafu  Audio Clip Available
Bvunzo dzeGrade 7 Dzinotadza Kunyorwa  Audio Clip Available
Zvimwe Zvitoro Zvotengesa neMari yeKunze  Audio Clip Available
Nhaurirano dzeMDC neZanu-PF Dzinotadzazve Kubudirira  Audio Clip Available
Mabhanga Onzi Haachina Mari  Audio Clip Available
Nzara Yoruma Munyika  Audio Clip Available
Kusawirirana kwaVaTsvangirai naVaMugabe Koramba Kupera  Audio Clip Available
Zuva reUN Habitat Rocherechedzwa Pasi Rose  Audio Clip Available
Sangano reC-Safe Rinoti Huwandu hweVanhu Vanoda Chikafu Huchakwira  Audio Clip Available
The Centre Yotsvaga Nzira dzeKubatsira Vanorarama neHIV/AIDS  Audio Clip Available
CHRA Yotyira Kupararira kweZvirwere Zvinokonzerwa neMvura  Audio Clip Available
VaMbeki Vanobvuma Kuramba Vari Mutongi Gava paGakava remuZimbabwe  Audio Clip Available
Nhaurirano Dzoitirwa paNharembozha neChina?  Audio Clip Available
Nyanzvi Dzopesana paNyaya yeInflation  Audio Clip Available
Nyaya yeKushomeka kweMari Yonetsa Zvikuru  Audio Clip Available
Meya weMasvingo Vanoramba Zvavari Kupomerwa  Audio Clip Available
SADC Inokumbira VaMbeki Kuti Varambe Vari Mutongi Gava paNyaya yeZimbabwe  Audio Clip Available
VaChombo Voramba Vachikanda Nhengo dzeZanu PF muMakanzuru  Audio Clip Available
Ngirande: Vanhu Vanoda Chikafu Vawandisa.  Audio Clip Available
VaTsvangirai naVaMugabe Vanotadza Kuwirirana paNyaya yeMakurukota  Audio Clip Available
Chikafu Choramba Chichinetsa Kuwana Munyika  Audio Clip Available
MDC Inoti VaChombo Vari Kuvhiringidza Mabasa eMakanzuru  Audio Clip Available
Vanhu Votadza Kutora Mari muMabhanga
VaMugabe Vanoti Hurumende yeMubatanidzwa Ichaumbwa Mukupera kweSvondo  Audio Clip Available
Chibvumirano Chorasisa Vatsvagi veHupoteri muSouth Africa  Audio Clip Available
RBZ Inowedzera Mari Inotorwa muBhanga paZuva, ZCTU Inosendeka Kuratidzira  Audio Clip Available
VaMugabe Vokurudzira Kubvisirwa Zvirango Zvavakatemerwa  Audio Clip Available
Kusiya Basa kwaVaMbeki Kotyirwa Kanganisa Nhaurirano  Audio Clip Available
RBZ Inopamhidzira Mari Inotorwa muBhanga paZuva  Audio Clip Available
MDC Inopokana naVaMugabe Panyaya yeDare reMakurukota  Audio Clip Available
ZCTU Inotarira R-B-Z Mazuva eKuti Igadzirise Nyaya dzeMari  Audio Clip Available
European Union Inopa Zimbabwe Mari yeRubatsiro  Audio Clip Available
America Inoti Ichatemera VaMugabe Zvirango Vakasabata  Chibvumirano neNzira Kwayo  Audio Clip Available
Mhirizhinga  Inoitika muMbare Mapurisa Akapeta Zvawo Maoko  Audio Clip Available
Chirwere cheManyoka Chopararira Munyika  Audio Clip Available
Nyika Ingangoshaya Chikafu Kutanga kwaMbudzi  Audio Clip Available
VaZuma Voudza Vanhu Kuti Vabate Hana Dzavo  Audio Clip Available