Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo
enyika, pamwe nemitemo, dziri kuzeya nyaya yekukundikana kwematare e House of
Assembly ne Senate kutanga
basa.
Dzimwe nyanzvi dzinoti nhengo dzematare aya, dzaifanirwa kunge dzagadzwa
neChipiri, kuitira kuti dzitange basa nemusi weChina, zvichienderena nebumbiro
remitemo yenyika. Asi vamwewo vari kutiwo bumbiro remitemo yenyika, harijekesi
kuti matare aya anofanirwa kutanga basa riini.
Doctor Lovemore Madhuku vanodzidzisa paUniversity of
Zimbabwe, uyezve vari sachigaro veNCA.
Mutori wenhau weStudio 7, Carole
Gombakomba, aita hurukuro naVaMadhuku avo vanoti sezvo ZANU-PF yakakundikana
kuwana ruzhinji rwenhengo dzeparamende, VaMugabe vari mushishi kutsvaga nzira
dzekutora, kuitira kuti dare iri risagadzwe rakaita sezvariri iye zvino.
Kutaura
kuno nhengo dzeMDC inotungangamirwa naVaMorgan Tsvangirai, dzakasarudzwa kuve
nhengo dzepaparemende dzinosvika gumi, dzakahwanda, dzimwe dzakasungwa, munyaya
dzezvematongerwo enyika.Mukuenderera mberi nehurukuro iyi, Carole Gombakomba weStudio7 aita zvakare
hurukuro naVaPhillip Pasirai, avo vanoongorora zvematongerwo enyika, uye vari Senior Programs Officer musangano re Crisis in Zimbabwe Coalition, kuti
tinzwewo pfungwa dzavo panyaya iyi.
Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...