Gavhuna
weReserve Bank of Zimbabwe, VaGideon Gono, vanoti mutengo wezvinhu kana kuti
inflation wakwira kusvika pa 2,2 million percent.
VaGono vakataura izvi
pakuparurwa kwechirongwa cheBasic Commodities Supply Side Intervention
nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe neChitatu.
Pasi pechirongwa ichi, vanhu
vanenge vachitengeserwa zvekudya nehurumende nemutengo wakaderera.
Mashoko
aVaGono panyaya ye inflation, atsinhirwawo naActing Director veCentral Statistical Office, VaMoffat Nyoni.
Asi VaMugabe vachiparura chirongwa ichi,
vakashorawo Britain vachiti ndiyo iri kuita kuti zvinhu zviome munyaya
dzehupfumi.
VaProsper Chitambara vari kuita zvidzidzo zvepamusoro paBirgmingham University.
VaChitambara vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti kana kutaurirana kukasaitwa nechimbi chimbi pakakati peZanu-PF neMDC havaone zvichigadzirika.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...