Mutori wenhau, Hopewell
Chin’ono, ndiye akawana mubairo we CNN Multi-Choice African Journalist of the Year
2008.
Chin’no akapihwa mubairo uyu
pamhemberero dzakaitwa kuGhana neMugovera. Mubayiro uyu une zviuru zvinomwe
zvemadhora ekuAmerica, neLaptop.
Chin’no anoti mubairo uyu waita kuti
awane masimba ekuramba achishanda nesimba kuratidza zviri kuitika kuvanhu
vakatarisana nematambudziko ari munyika. Chin’ono, uyo ane makore makumi matatu
nemanomwe ekuberekwa, akaita documentary rinonzi “Pain in my Heart”, iro
rakasarudzwa kubva pamakwikwi akapindwa nevanhu vanosvika zviuru zviviri
vanobva kunyika makumi mana neina dzemu Africa.
Chin’ono
akadzidzira kuva mutori wenhau pa Harare Polytechnic, akashanda kumapepanhau
akaita se Horizon Magazine ne Sunday Mail. Mushure mezvo, Chin’ono akazoenda kunoita zvidzidzo
zvepamusoro munyaya dzekutora nhau ku City University iri muLondon kuBritain.
Kutanga kwegore rino, Chino’no akawana zvakare mubairo we
2008 Archbishop Desmond Tutu Leadership Fellowship Award kubudikidza ne documentary
rake “Pain in my heart” iro rinotaura nezvenhoroondo dzevanhu
vakatarisana nedambudziko re HIV/AIDS.
Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba , aita
hurukururo naChin’ono uyo anoti kuwana mubairo wakadai uyu, chiratidzo chekuti
muZimbabwe mune vatori venhau vanoshanda zvakasimba, kunyange hazvo vakatenderedzwa
nemitemo yakaita seAIPPA, iyo inoita kuti mashandiro avo ange achinetsa zvikuru.
Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...