Vamwe vagari vekuChiweshe kuMazowe
Central vanoti vakafanobata chigaro chaIshe Negomo, vari kuda kuvadzinga mudunhu
ravo nemhosva yekuti vatsigiri vebato reMDC. Zvinonzi Ishe Negomo vachishanda
nemasabhuku avo, vakanyorera nhengo dzeMDC sere tsamba dzekuvazivisa nezvedanho
iri.
Pamusoro pezvo, Ishe Negomo vanonzi vari kuda kuti vatsigiri veMDC ava,
varipe mari inoita $350 billion pamunhu, uye mbudzi mbiri. Studio 7 haina kukwanisa kunzwa divi rashe Negomo.
Dzimwe nyanzvi munyaya dzemitemo
dzinoti madzishe haana masimba ekudzinga munhu mudunhu mavo, sezvo ivhu riri
pasi pehurumende.
Nyanzvi idzi dzinotiwo kana munhu achinge abviswa paanenge
achigara, anofanirwa kupiwa imwe nzvimbo yekugara. Ukuwo, nyanzvi munyaya
dzezve matongerwo enyika dzinotiwo madzishe mazhinji ari kupindira munyaya
dzezvematongerwo enyika, achitsigira bato riri kutonga reZanu PF.
Jonga
Kandemiiri weStudio 7 abata VaLuke Mutakuragumbo, mumwe wenhengo dzeMDC dziri
kuda kudzingwa mudunhu rashe Negomo, avo vati vava kutsvaga rubatsiro rwemagweta kuti vasadzingwa nashewavo.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...