Sangano
reZCTU rakanyorera neChipiri tsamba bhanga guru remunyika richikumbira kuti
vashandi vabvumidzwe kutora mumabhanga mari inosvika madhora 1,5 trillion dollars pazuva,
kuitira kuti vawane mari inovakwanira.
Munyori mukuru weZCTU, VaWellington Chibebe, vanoti mari idzi dzinofanirwa kuongororwa pamazuva matatu ega ega,
sezvo mari yemunyika iri kugara yakapera simba nguva dzose.
Patience Rusere
weStudio7 aita hurukuro naVaProsper Chitambara, nyanzvi munyaya dzehupfumi,
avo vari kuita zvidzidzo paUniversity of Birmingham kuBritain, kuti tinzwe mafungiro
avo pachikumbiro cheZCTU.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...