Nhaurirano pakati peZanu-PF neMDC dzakatanga muPretoria, South Africa
neChina. Mutauriri wemutungamiri weSouth Africa - VaThabo Mbeki, VaMukone Ratshitanga, vanoti hurukuro pakati
peMDC dziri kutarisirwa kupera mumasvondo maviri. Asi vatiwo zvikasadaro, panowedzerwa mazuva.
Vane ruzivo nezviri kuitika
munhaurirano idzi vanoti zvinhu zvakawanda zvakaita sebumbiro remitemo, nyaya
yezvirango, uye yeminda zvainge zvakatenderanwa kare muhurukuro dzekutanga dzakatanga muna Kurume gore rapera nekudaro nyaya huru yasara
ndeyekuti poumbwa here hurumende yemubatanidzwa, kana kuti Transitional Authority, iyo inogadzirisa zvinhu munyika pasati paitwa sarudzo dzakachena.
Zanu-PF
inoti inoda hurumende yemubatanidzwa, ukuwo MDC iri kuti inoda hurumende inenge
ichifanobata matomu, kana kuti transitional authority
Professor John Makumbe inyanzvi munyaya
dzezvematongerwo enyika, uye vachidzidzisa pa University of Zimbabwe. Professor Makumbe vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti nyaya yehurumende iyi ndiyo icharatidza kuti VaMbeki vane hunyanzvi here kana kuti kwete.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...