Masangano anobatsira vanhu anoti
hapasati pava nechiratidzo chekuti hurumende iri kushandura danho rayakatora
rekuti vabvumidzwe kubatsira vanhu nezvekudya.
Vamwe vari kutarisira kuti pahurukuro dziri kuitwa pakati peZANU-PF
ne MDC, pachavawo nechibvumirano chekuti hurumende yeZANU-PF ishandure maitiro
ayo, kuitira kuti vanhu vari kuziya nenzara, vabatsirwe nechikafu.
Sangano re World Food Program rinoti riri kukundikanawo
kuendesa zvekudya muvanhu, nekuda kwemitemo yakadzikwa nehurumende.
Ukuwo bhanga guru reReserve Bank, rinonzi riri kufamba
mune dzimwe nzvimbo richitengesera vanhu chikafu nemitengo iri pasi pasi, pasi
pchirongwa che Basic Commodities Supply Enhancement Initiative.
Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro naNational
Director veChristian Care, Reverend Forbes Matonga, avo vanoti chirongwa ichi hachibatsiri
kupedza nzara iri munyika.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...