Hama dzaVaReuben Mutewe, nhengo yeMDC
yakarohwa zvakaipisisa kuBuhera Central nevatsigiri veZanu PF mwedzi wapera,
ikazofira kuchipatara cheMurambinda masvondo maviri apfuura, dzinonzi dziri
kuramba kumuviga dzichida kuti dzitange dzaripwa mombe makumi mana neshanu
nevanhu vanofungidzirwa kuti ndivo vakakonzera rufu urwu.
Ishe wedunhu iri, Ishe
Nyashanu, vanonzi vari kudawo kuripwa mombe imwe chete nevakaponda murume uyu,
senzira yekuchenura dunhu ravo, iro ravanoti rakasvibiswa nekudeurwa kweropa
uku.
Mushure mekutora mutumbi waVaMutewe
kubva kuchipatara cheMutare nemusi weChishanu svondo rapera, hama dzemufi
dzinonzi dzakazotakura mutumbi uyu dzonousiya pamusha paVaPatrick Chimbare, veZanu
PF, avo vari kunzi nehama dzemufi, vane chekuita nerufu urwu.
Zvinonzi masoja
aive nezvombo, akambotyisidzira baba waVaMutewe nerufu kana vakasaviga mwana
wavo, asi hazvina kubatsira. Zvinonzi neChitatu masoja pamwe nemapurisa,
vakazotora mutumbi uyu voenda nawo kumochari yechipatara cheMurambinda, kuitira
kuti mhuri mbiri idzi dzitaurirane.
VaPatrick
Chimbare nevamwe varume vaviri vanonzi vari mumaoko emapurisa pakamba yeMuzokomba
vachiferefetwa nezvenyaya iyi.
Jonga Kandemiiri weStudio 7 abata mutungamiri weZINATHA,
uye vari munyori anoona nezvevatungamiri vechivanhu muMDC, Professor Gordon Chavhunduka,
avo vati kare vanhu vairipisana mombe dzinosvika gumi, asi nemamiriro aita zvinhu
munyaya dzehupfumi, vamwe vanhu vava kuda kuripwa nemombe dzakawanda.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...