Mashoko atiri kutambira anoti mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vabuda munhaurirano zvichitevera kusawirirana nemutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe. Gakava riri pakati pevaviri ava riri panyaya yekuti ndiyani achange ari mutungamiri wenyika kana pakaumbwa hurumende itsva.
VaTsvangirai vari kuramba kuti vange vari pasi paVaMugabe, vachiti ndivo vakakundwa musarudzo dzakaitwa muna Kurume. Asi VaMugabe vari kutiwo ndivo vanofanirwa kunge vari mutungamiri wenyika ane masimba, nokuti vakasarudzwa musarudzo ye run off, iyo vakakwikwidza vega. VaTsvangirai vakaramba kupinda musarudzo iyi vachiti VaMugabe vaishandisa mauto, vatsigiri vavo mukuponda pamwe nekushungurudza vatsigiri veMDC. Pasi rose harina kutambira zvakabuda musarudzo iyi.
Nyaya
yange iri mudariro neChipiri igwaro rakanyorwa neMDC ichida kuti VaTsvangirai vapihwe
masimba akawanda kwete zviri kudiwa neZanu-PF zvekuti VaMugabe varambe vakabata
matomu.
MDC inoda kuti VaTsvangirai vange vari mutungamiri wehurumende itsva
iyi, kana kuti Executive Prime Minster, uye VaMugabe vapihwewo chinzvimbo chiri
pasi paVaTsvangirai. VaMugabe vange vachida kuti VaTsvangirai vave mutungamiri
wehurumende anoona nezvehupfumi uye zvevashandi asi vari pasi paVaMugabe.
Mutungamiri weSouth Africa, uye vari mutongi gava pagakava riri muZimbabwe, VaThabo Mbeki vanonzi vange
vachida kuita chimbichimbi kuti panyoreranwe chibvumirano musangano weSADC
usati waitwa muSouth Africa musi weMugovera.
South Africa iri kutya kuti
musangano uyu unogona kusafamba zvakanaka nekuti nyika dzakaita seBotswana
nedzimwe nyika dzakaita seZambia neMozambique, hadzisi kufara nezviri kuitika
muZimbabwe.
Botswana inoti inogona kutadza kuenda kumusangano weSADC kana VaMugabe vakakokwa. Mutori wedu wenhau, Irwin Chifera, uyo ari paRainbow
Towers, audza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti VaMugabe vanonotsa nhaurirano sezvo vakange vamboenda kugungano remagamba kuGwanzura.
Nyanzvi munyaya dzekugadzirisa magakava, Muzvare Martha Mutisi, avo
vari kuita zvidzo zve PhD munyaya dzeConflict Resolution paGeorge Mason University muAmerica vaudzawo Blessing Zulu weStudio7 kuti VaMugabe naVaTsvangirai vanofanira kuisa zvido zvenyika pamberi pezvavo nemapato avo.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...