Mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, vanoti vane
chivimbo chekuti MDC neZanu-PF dzinokwanisa kunyorerana chibvumirano munguva
pfupi inotevera.
VaMbeki vataura mashoko aya kuAngola, uko vaita hurukuro neChitatu nemutungamiri wenyika iyi, VaJose Eduardo Dos Santos, avo vanova zvakare
sachigaro webazi reSADC rinoona nezvekudzivirirwa kwedunhu iri. Asi vari kuona
zviri kuitika munyika vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munhaurirano idzi.
NeChipiri nhaurirano idzi dzakambomiswa sezvo VaMugabe
naVaTsvangirai vakatadza kuwirirana panyaya yekuti ndiyani anenge aine masimba
akawanda pakati pavo uye nyaya yebumbiro remitemo.
Bepanhau reHerald rinotiwo VaMugabe naVaMutambarav ari kuwirirana. Herald inoti VaMugabe
vave kugadzirira kudoma dare idzva remakurukota. Asi munyori mukuru weMDC,
VaTendai Biti, vayambira kuti VaMugabe vakaita izvi, vanenge vabuda
munhaurirano sezvo paine chisungo chekuti pasadomwe dare idzva
remakurukota nhaurirano dzisati
dzapera.
Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti vakazvipira kuti
nhaurirano idzi dzienderere mberi kuitira kuti matambudziko akatarisana nevanhu
munyika apere.
VaTsvangirai vatiwo vakapinda munhaurirano idzi, kuitira kuti
munyika muve nehurongwa hwekugadzirisa zviri kunetsa. Vatiwo zviri pachena kuti
kutaurirana uku hakusi nyore, asi bato ravo richaita zvarinokwanisa
mukugadzirisa zviri kunetsa.
Vatiwo zviri kunetsa munyika, zvakakonzerwa neZanu-PF iyo, iri kutadza kutonga, uye iri kupa kuti vanhu vanopfuura mamiriyoni mashanu, vashaye zvekudya.
NeChipirii VaTsvangirai vakaita misangano nemasangano
akazvimirira, vachivaudza mamiriro akaita zvinhu munhaurirano idzi.
VaCharles Mangongera nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika.
Vamangongera vaudza mutori wenhau Blessing Zulu kuti VaMbeki vanokwanisa kubudirira kana vakashanda nevamwe.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...