Sachigaro veNCA, Doctor Lovemore Madhuku, vanoti sangano ravo richaratidzira munzvimbo dzakasiyana siyana
munyika kutanga svondo rinouya.
VaMadhuku vanoti izvi zviri kuitwa senzira
yekuratidza kusafara kuri kuita sangano avo nemafambiro ari kuita nhaurirano
pakati pe MDC neZANU-PF.
VaMadhuku vanoti sangano ravo nemamwe masangano
akazvimirira oga, haasi kufara nezviri kuitika munhaurirano idzi, idzo vati
dzakanangana nevanhu vari kuda kupana zvigaro, nyika ichitambura.
VaMadhuku
vanoti masangano akazvimirira acharitidzirawo kumusangano weSADC uyo uri kutanga
nemusi weChishanu kuSouth Africa.
Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaMadhuku
kuti tinzwe pane pfungwa dzavo pane zviri kuitika munhaurirano.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...