Masangano akazvimirira ekuchamhembe kweAfrica atanga kuungana muSouth Africa, kuitira kuti azoratidzire panotanga musangano wevatungamiri venyika
dzemuSADC neMugovera.
Masangano aya anoti haasi kufara nekuenda kwaVaMugabe kumusangano
uyu, pamwe nemutungamiri weSwaziland, Mambo Mswati, avo vanoti havana
kusarudzwa kuti vatungamire nyika dzavo.
Masangano aya achange achitungamirwa
nesangano guru revashandi remu South Africa, re Cosatu.
VaGabriel Shumba ndivo Executive Director veZimbabwe Exiles Forum, rimwe remasangano acharatidzira
muSouth Africa.
Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaShumba kuti tinzwe
zvinangwa zvavo.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...