Dare reSenate rasarudza Amai Edna Madzongwe
semutungamiri waro, zvichitevera kupa mhiko yekushandira nyika kwaitwa nenhengo
dzedare iri. Amai Madzongwe vawana mavhoti makumi mashanu nemasere. MDC,
iyo yanga ichitsigira VaGibson Sibanda, vechikwata chinotungamirwa naVaMutambara, yawana mavhoti makumi maviri nemasere.
Mavhoti eZanu PF awanda zvichitevera kudomwa kwakaitwa magavhuna masere, pamwe
nemaseneta matatu neSvondo naVaMugabe.
Vakadomwa
semagavhuna ndiMai Angeline Masuku – Matabeleland South, Mai Thokozile
Mathuthu– Matabeleland North, VaCain Mathema – Bulawayo, VaDavid Karimanzira –
Harare, VaMartin Dinha – Mashonaland Central, VaAeneas Chigwedere – Mashonaland
East, VaChristopher Mushowe – Manicaland, pamwe naVaFaber Chidarikire –
Mashonaland West.
Vakadomwa semaseneta ndiVaJoseph Msika, VaPatrick Chinamasa,
pamwe naVaJohn Nkomo. VaMugabe vari kutarisirwa kudoma mazita emagavhuna
ematunhu eMasvingo neMidlands, uye mamwe maseneta maviri.
Zvichakadaro, dzimwe
nyanzvi mune zvematongerwo enyika dzinoti zvaitika mudare reparamende
chiratidzo chezvakabuda musarudzo dzakaitwa munaKurume, chekuti
vanhu havachina chivimbo nebato reZanu PF.
Nyanzvi idzi dzinotiwo ichi chiratidzo
chekuti mutungamiri wechimwe chikwata cheMDC, VaArthur Mutambara, havana
rutsigiro rwavanoti vanarwo kunhengo dzavo, sezvo paine chiratidzo chekuti
nhengo dzavo dzinogona kunge dzavhoterawo nhengo yebato raVaTsvangirai,
VaLovemore Moyo, semutauriri wedare reparamende, vachisiya kusarudza VaPaul Themba Nyathi.
Imwe nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika, uye vari sachigaro
weN-C-A, Doctor Lovemore Madhuku, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti
VaMutambara vanogona zvavo kuchibuda munhaurirano sezvo varaswa
nevavanoti vari kumirira, nhengo dzeparamende, idzo dzakaita kuti vapinzwe
munhaurirano.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...