Mumiriri we Epworth mudare re House of Assembly, VaElia Jembere, vasungwa nemapurisa neMuvhuro vari muparamende, apo nhengo dzedare
iri dzanga dzachipika mhiko dzekushandira nyika.
Hapana ari kuziva kuti VaJembere vaendeswa kupi nemapurisa avatora.
Mapurisa anonzi amboedzawo
kuda kutora mumiriri weMutare West, VaShuwa Mudiwa, pamwe nemumiriri weMakoni North, VaElton Mangoma, asi izvi hazvina kubudirira.
Mashoko atiri kutambira
anoti nhengo yeparamende inomirira Highfield, Va Pearson Mungova, vanonzi
vakavharirwa nemapurisa muparamende kuti vasabude.
VaNelson Chamisa ndivo
mutauriri weMDC uye vachimirira Kuwadzana.
Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaChamisa kuti tinzwe zvaitika
muparamende.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...