VOICE OF AMERICA Shona

Mavara Chete
Search

Nhaurirano Pakati peMDC neZanu-PF Dzinotangazve


29/08/2008
Nyaya ina Benedict Nhlapho - Download (MP3) audio clip
Nyaya ina Benedict Nhlapho - Teererai (MP3) audio clip
Hurukuro naVaPhillip Pasirayi - Download (MP3) audio clip
Hurukuro naVaPhillip Pasirayi - Teererai (MP3) audio clip
Hurukuro naVaNelson Chamisa - Download (MP3) audio clip
Hurukuro naVaNelson Chamisa - Teererai (MP3) audio clip

Nhaurirano pakati peZanu-PF nemapoka maviri eMDC dzatangazve muPretoria. Izvi zvaburitswa pachena negurukota rezvekunze kweSouth Africa, VaAziz Pahad, pamusangano wavaita nevatori venhau muPretoria neChishanu. 

Mutori wenhau dzeStudio 7, Benedict Nhlapho, anoti VaPahad vatiwo SADC haina kubvumidza VaMugabe kuumba dare remakurukota voga.

Zvichakadaro, mashoko anoti VaMbeki vatanga nhaurirano nekurukura nemapato ose rimwe nerimwe. 

VaMbeki vanonzi vange vachida kuona kuti vangafambire mberi sei nehurukuro idzi. Zvikwata zviviri zveMDC zvatanga nekuratidza kusafara nekuda kudomwa kwedare remakurukota naVaMugabe. 

MDC yaVaTsvangirai yatiwo haisi kufara nekusungwa uye kubatwa neseri kweruoko kwenhengo dzedare reparamende dzayo, uye kuvhurwa kwedare iri naVaMugabe vasina kunge vasumawo vamwe.

Asi veMDC yaVaMutambara neZanu-PF vanonzi vaudza VaMbeki kuti vari kufara nemasimba akapihwa VaTsvangirai kusvika pari zvino. 

Asi chikwata chaVaTsvangirai chinoti VaMugabe ndivo vachingori vakabata matomu uye hapana chachinja.

VaPhilip Pasirayi vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, uye vachishanda neCrisis in Zimbabwe Coalition. VaPasirayi vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti VaMugabe havana kuzvipira munhaurirano.

Zvichakadaro VaTsvangirai vange vachiitawo misangano nevamiriri vekune dzimwe nyika, pamwe nevemachechi. 

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti VaTsvangirai vari kuda kuti vemasangano aya vazivewo zviri kuitika.

 

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

 

 

emailme.gif Tumira Nyaya Iyi Netsambambozha
printerfriendly.gif Mamiriro Azvinoita Zvadhindwa

  Nyaya Huru Yanhasi
VaMbeki Voyedza Zvakare Kuyananisa Zanu PF neMDC?  Audio Clip Available

  Dzimwe Nhau Dze Studio7
Zvinhu Zvoita Manyama Amire neRongo muNyaya dzeHutano  Audio Clip Available
Magweta eMDC Oronga Kusungisa VaMohadi  Audio Clip Available
MDC neZanu-PF Dzotatsuranazve Panyaya yeDare reMakurukota  Audio Clip Available
Mapurisa Anorova Vashandi vemuZvipatara Vanga Vachiratidzira  Audio Clip Available
Machechi Oshora SADC Iyo Yakatadza Kupedza Gakava Riri muZimbabwe  Audio Clip Available
CPJ Yoshora Kushungurudzwa kweGweta Rinomirira Vatori veNhau  Audio Clip Available
VaTsvangirai Votsvagira Nyika Rubatsiro rweChikafu kuEuropean Union  Audio Clip Available
Chirwere che Cholera Chopararira Zvinotyisa Hurumende Yakatarisa  Audio Clip Available
Nzara Yoruma Vanhu Vakawanda Munyika  Audio Clip Available
MDC National Council Inoti Kwete kuHurumende yeMubatanidzwa  Audio Clip Available
VaKofi Annan Vonanga KuZimbabwe Svondo Rinouya  Audio Clip Available
Dzimwe Nhengo dzeZapu Dzosiya VaMugabe neZanu PF Yavo  Audio Clip Available
MDC Inoti Haisi Kupinda muHurumende yeMubatanidzwa  Audio Clip Available
Nyanzvi Dzozeya Kusawirirana kwaVaTsvangirai naVaMugabe  Audio Clip Available
Cholera Yotora Hupenyu hweVanhu Vakawanda, Hurumende Yakatarisa  Audio Clip Available
MDC Inomira naVaTsvangirai, VaMugabe Vogadza Vega Makurukota  Audio Clip Available
Zvinhu Zvinokwira Zvakanyanya Mitengo Yazvo Svondo Rino  Audio Clip Available
Mapurisa Anotadza Kuunza Nhengo dzeMDC kuDare reDzimhosva  Audio Clip Available
MDC Inoti Manyepo eZanu PF Kuti Inoda Kupidigura Hurumende  Audio Clip Available
Mapurisa Anosunga, Uye Kurova Nhengo dzeNCA Dzichiratidzira  Audio Clip Available
WFP Yoderedza Chikafu Chichapihwa Vanhu Mwedzi waMbudzi  Audio Clip Available
VaTsvangirai Vanoramba Kutambira Chisungo cheSADC  Audio Clip Available
Global Fund Inopa Zimbabwe US$169m  Audio Clip Available
Vanhu Vaviri Vanofa neNzara kuBinga  Audio Clip Available
SADC Yosangana neSvondo Kuti Izeye Zimbabwe neDRC  Audio Clip Available