Hurumende inoti masangano akazvimirira oga anopa vanhu rubatsiro
rwechikafu, anofanirwa kunyoresa zvakare kwairi musi wa30 Gunyana usati
wasvika, kuitira kuti apihwe mvumo yekupa vanhu rubatsiro urwu.
Hurumende inotiwo masangano akazvimirira oga
anoita mabasa ekudzidzisa vanhu zvekodzero dzevanhu, pamwe nezvematongerwo
enyika, haasati ava kubvumidzwa kuita mabasa aya. Izvi zvabuda pamusangano waitwa neMuvhuro muHarare pakati pehurumende nemasangano akazvimirira oga. Munyori mubazi rezvemabasa nekugara kwakanaka kwevanhu, VaLancaster Museka, ndivo vanga vakamirira hurumende.
Izvi
zvinotevera mashoko ehurumende ekuti yakanga yati yabvumidza masangano
akazvimirira kupa vanhu chikafu, kuti aite mabasa aya.
VaFambai Ngirande ndivo
mutauriri weNational Associations of Non-Governmental Organisations.
Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaNgirande kuti tinzwe zvakurukurwa
pamusangano uyu.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...