Hurumende yeSouth Africa inoti ichadzosera zvizvarwa zvedzimwe nyika zviri
kugara munyika iyi zvisiri pamutemo kumusha kwazvo. Vanhu ava vanosanganisirawo zvizvarwa zvekuZimbabwe.
Hurongwa uhu huri kutanga kupera kwemwedzi uno. Vanhu vanosvika zviuru makumi
maviri vakaiswa mumakamba evapoteri zvichitevera mhirizhonga yakaitika mu South Africa muna Chivabvu, apo zvizvarwa zvemu South Africa, zvairwisa zvizvarwa
zvekunze kwenyika iyi.
Mashoko ari kubva kunhepfenyuro dzemu South Africa anoti kunyange hazvo
dare repamusoro soro rakarambidza hurumende kuti isabvise vanhu ava mumakamba mavari kugara, hurumende inoti pane vanhu zviuru zviviri vanofanirwa kudzoserwa
kunyika dzavo, sezvo vari kugara munyika iyi zvisiri pamutemo.
VaSox Chikowera
ndivo sachigaro weGlobal Zimbabwe Forum muSouth Africa.
Patience Rusere
weStudio7 aita hurukuro naVaChikowera kuti tinzwe kuti hurongwa hwe South Africa, huchabata vanhu vemuZimbabwe zvakadii.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...