Mhirizhonga inonzi yakaitika neChipiri
mumusha weMbare mushure mekunge nhengo dzeZanu PF dzarwisa nhengo dzeM-D-C
dzakanga dzaenda pakamba yemapurisa yeMatapi kuti dzibatsirwe kudzokera
mudzimba dzadzo dzakatorwa nevatsigiri veZanu PF munguva yesarudzo yerun-off. Zvinonzi
nhengo dzeM-D-C idzi dzakanga dziine mumiriri wadzo mudare reparamende, VaPiniel
Denga, pamwe nechikonzi chaive nemapepa ekupa mapurisa kuti aburitse vakapinda
mudzimba ava.
Zvinonzi
vatsigiri veZanu PF vaive mumarhorhi maviri, vakabva vasvika pakamba apa
vachiimba dzimbo dzekunyomba M-D-C, vachibva vatanga kurova vanhu mapurisa
akatarisa. Mhuri dzinodarika makumi matanhatu neimwe dzakadzingwa mudzimba kuMbare Flats, Nenyere, Matapi pamwe neJoburg Lines, dzichipomerwa mhosva yekutsigira M-D-C.
Dzimba idzi ndedzekanzuru yeHarare idzo dziri kurojeswa kuvanhu ava. Kubva
pakapinda vatsigiri veZanu PF mudzimba idzi, zvinonzi havasi kubvisa mari
dzemitero.
Makamba
ekushungurudzira vanhu anonzi achiri kushandiswa mumusha weMbare. Bato reM-D-c
neChipiri raka buritsawo gwaro rekushoropodza mhirizhonga iri kuitika munyika
kunhengo dzayo. M-D-C yakati izvi zvino kanganisa chibvumirano chekuumba
hurumende yemubatanidzwa chakaitwa munyika. Tatadza kunzwa divi remapurisa
pamwe neZanu PF panyaya iyi.
Asi mumiriri weMbare muparamende, VaPiniel Denga, vaudza
Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti mapurisa aitovapomera mhosva yekukurudzira
mhirizhonga nekuunganidza vanhu zvisiri pamutemo.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...