VOICE OF AMERICA Shona

Mavara Chete
Search

ZCTU Inotarira R-B-Z Mazuva eKuti Igadzirise Nyaya dzeMari


25/09/2008
Hurukuro naVaWellington Chibebe - Download (MP3) audio clip
Hurukuro naVaWellington Chibebe - Teererai (MP3) audio clip

Sangano reZ-C-T-U rapa bhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, mazuva manomwe ekugadzirisa matambudziko ari kukonzerwa nemari shoma dziri kubvumidzwa vanhu kutora pazuva kubva kumabhanga. 

Z-C-T-U inoti tsamba yekuzivisa nezvedanho iri yakatumirwa kumukuru weR-B-Z, VaGideon Gono musi wa22 Gunyana, zvichireva kuti R-B-Z inofanirwa kunge yagadzirisa zviri kunetsa panosvika musi wa29 Gunyana. Z-C-T-U inoti kana pasina matanho atorwa ekugadzirisa nyaya iyi neR-B-Z, vashandi vachatorera bhanga iri matanho akakodzera.

Sangano iri rinoti vanhuwo zvavo vari kubvumidzwa kutora mari inoita $1 000.00 pazuva kubva kumabhanga kwavo, asi mauto nevashandi vemumabhanga vachibvumidzwa kutora mari dziri pakati pe$10 000.00 ne$30 000.00 pazuva. Studio7 haina kukwanisa kunzwa kubva kumabhanga kuti seyi paine mutsauko pamari dzinobvumidzwa kutora pazuva.

Munyori mukuru weZ-C-T-U, VaWellongton Chibebe, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti havasi kuzozivisa matanho achatorwa nevashandi, asi vati vashandi vari kuziva zvavachaita.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

 

emailme.gif Tumira Nyaya Iyi Netsambambozha
printerfriendly.gif Mamiriro Azvinoita Zvadhindwa

  Nyaya Huru Yanhasi
VaMbeki Voyedza Zvakare Kuyananisa Zanu PF neMDC?  Audio Clip Available

  Dzimwe Nhau Dze Studio7
Zvinhu Zvoita Manyama Amire neRongo muNyaya dzeHutano  Audio Clip Available
Magweta eMDC Oronga Kusungisa VaMohadi  Audio Clip Available
MDC neZanu-PF Dzotatsuranazve Panyaya yeDare reMakurukota  Audio Clip Available
Mapurisa Anorova Vashandi vemuZvipatara Vanga Vachiratidzira  Audio Clip Available
Machechi Oshora SADC Iyo Yakatadza Kupedza Gakava Riri muZimbabwe  Audio Clip Available
CPJ Yoshora Kushungurudzwa kweGweta Rinomirira Vatori veNhau  Audio Clip Available
VaTsvangirai Votsvagira Nyika Rubatsiro rweChikafu kuEuropean Union  Audio Clip Available
Chirwere che Cholera Chopararira Zvinotyisa Hurumende Yakatarisa  Audio Clip Available
Nzara Yoruma Vanhu Vakawanda Munyika  Audio Clip Available
MDC National Council Inoti Kwete kuHurumende yeMubatanidzwa  Audio Clip Available
VaKofi Annan Vonanga KuZimbabwe Svondo Rinouya  Audio Clip Available
Dzimwe Nhengo dzeZapu Dzosiya VaMugabe neZanu PF Yavo  Audio Clip Available
MDC Inoti Haisi Kupinda muHurumende yeMubatanidzwa  Audio Clip Available
Nyanzvi Dzozeya Kusawirirana kwaVaTsvangirai naVaMugabe  Audio Clip Available
Cholera Yotora Hupenyu hweVanhu Vakawanda, Hurumende Yakatarisa  Audio Clip Available
MDC Inomira naVaTsvangirai, VaMugabe Vogadza Vega Makurukota  Audio Clip Available
Zvinhu Zvinokwira Zvakanyanya Mitengo Yazvo Svondo Rino  Audio Clip Available
Mapurisa Anotadza Kuunza Nhengo dzeMDC kuDare reDzimhosva  Audio Clip Available
MDC Inoti Manyepo eZanu PF Kuti Inoda Kupidigura Hurumende  Audio Clip Available
Mapurisa Anosunga, Uye Kurova Nhengo dzeNCA Dzichiratidzira  Audio Clip Available
WFP Yoderedza Chikafu Chichapihwa Vanhu Mwedzi waMbudzi  Audio Clip Available
VaTsvangirai Vanoramba Kutambira Chisungo cheSADC  Audio Clip Available
Global Fund Inopa Zimbabwe US$169m  Audio Clip Available
Vanhu Vaviri Vanofa neNzara kuBinga  Audio Clip Available
SADC Yosangana neSvondo Kuti Izeye Zimbabwe neDRC  Audio Clip Available