Bato reM-D-C inotungamirirwa naVaMorgan
Tsvangirai kuSouth Africa, rinoti hurumende yeSouth Africa yava kunyima
zvizvarwa zveZimbabwe hupoteri, zvichitevera kunyoreranwa kwechibvumirano
chekuvaka hurumende yemubatanidzwa.
Nhengo dzebato iri dziri muSouth Africa
dzaudza Studio 7 kuti zviri kunzi vanhu vava kukwanisa kudzokera kumusha,
hupenyu hwavo husingapinde munjodzi, sezvo mutungamiri weM-D-C, VaMorgan Tsvangirai,
vava kuitwa mutungamiri wehurumende.
Asi nhengo dzeM-D-C idzi dziri kuti hapana
chiratidzo chekuti hurumende yemubatanidzwa iyi yati yavapo, sezvo pasati
paumbwa hurumende, uye vatsigiri veM-D-C vachiri kungoshungurudzwa muZimbabwe. Tatadza
kubata bazi rezvemukati menyika muSouth Africa kuti tinzwewo divi ravo.
Munyori anoona nezvekufambiswa kwemashoko muM-D-C kuSouth Africa,
VaSibanengi Dube, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vave kutorawo matanho ekuendesa bazi
rezvemukati menyika remuSouth Africa kumatare kana rikasadzora mwoyo panyaya iyi.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...