Kunyange hazvo bhanga guru renyika rakawedzera mari dzinotora kubhanga pazuva kubva pa $1000 kusvika pa $20, 000, voruzhinji vanoti vari kutarisana nedambudziko rekutadza kutora
mari dzavanoda mumabhanga kubva neMuvhuro.
Vemabhanga vanoti mari dzavari kupihwa nebhanga guru renyika ishoma, izvo zviri kupa kuti mabhanga atadze kupedza mitsetse yevanhu vanenge vachida mari.
Brenda Moyo weStudio 7 ataura nemumuwe mushandi wemubhanga asina kuda kudomwa nezita rake, uyo anoti vari kutadza kupa vanhu mari yavanoda kunyanya avo vari kuda kutora mari iripasi
pe$20,000 nekuti mari diki dzakaita sema $500 ne$1, 000 dziri kunetsa kuwana.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...