Sangano reSADC rakumbira hurumende yeSouth Africa kuti
mutongi gava panyaya yeZimbabwe, VaThabo Mbeki, avo vaimbova mutungamiri
wenyika iyi, vaenderere mberi nebasa kunyange hazvo vakabviswa pachigaro neANC.
Executive Secretary veSADC, VaTomaz Salamao, vaudza Studio7 kuti vakataura
parunhare neChitatu nemutungamiri mutsva weSouth Africa, VaKgalema Motlanthe,
vakavakumbira kuti vabvumidze VaMbeki kuti vaenderere mberi nebasa ravakatanga.
Mutauriri waVaMbeki, VaMukone Ratshitanga, vaudza Studio7 kuti VaMbeki vachiri kuzeya nyaya iyi,
uye vachataura mumazuva mashoma kuti vakamira papi panyaya yekuramba vari
mutongi gava.
VaSalamao vaudzawo Studio 7 kuti vakatambira chikumbiro cheMDC
kuti VaMbeki vapindire sezvo paita makakatanwa panyaya yedare remakurukota. Izvi
zvinotevera kusawirirana kwakaitika pakati paVaMugabe naVaTsvangirai neChipiri panyaya yekugovana mapazi ehurumende.
Vamwe vakuru veSADC vaudzawo Studio
7 kuti vange vachida kuti kana zvichibvira, VaMbeki vaende kuZimbabwe neChina
kunogadzirisa gakava ravapo.
Asi gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa,
vanoti hapana mangange aripo, uye havaoni zvakakodzera kuti nhaurirano idzi
dzidzoserwe kuna VaMbeki.
Asi MDC inoti pane kusawirirana kuripo pakati
paVaTsvangirai naVaMugabe, uye yakwidza nyaya iyi kuSADC, pamwe neAfrican Union.
Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti bato ravo riri kuda kuti vekunze
vayananise.
VaJoy Mabhenge vanoshanda nesangano reInstitute for a Democratic Alternative for Zimbabwe. VaMabhenge vanoti mutoro weZimbabwe
ucharemera VaMbeki sezvo vasisina chiremera semutungamiri wenyika.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaLuxon Zembe, vanotiwo dambudziko rezvematongerwo enyika rikasagadziriswa, zvinogona kukonzera mhirizhonga munyika.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...