Mashoko atatambira anoti bato reM-D-C
kuMasvingo ringangodzinga meya weguta reMasvingo, Alderman Femias Chakabuda,
kana kuvabviswa pachigaro chehumeya, nemhosva yavanonzi vari kupomerwa
yekupanduka vachipinda mubato reZanu PF munguva yesarudzo yerunoff.
Alderman Chakabuda
vari kupomerwa mhosva yekupinda mubato reZanu PF vachityira hupenyu hwavo,
munguva yairohwa nekupondwa nhengo dzebato ravo nevanofungidzirwa kuti inhengo
dzeZanu PF nevanozviti vakarwira rusununguko.
Bepanhau repainternet reZimbabwe Times
rinoti komisheni yakaumbwa kuti iongorore Alderman Chakabuda nemamwe makanzura
maviri, yakatopedza basa rayo nemusi weChipiri.
Studio 7 yabata munyori
wekomisheni iyi, VaLawson Mapfaira, avo vabvuma kuti ichokwadi kuti vari
kuongorora vachakabuda nevamwe vaviri, vakati vanga vachitarisira kusangana nevari
kupomerwa mhosva ava manheru eChina.
Asi VaMapfaira
varamba kutaura zvizhinji vachiti vanoda kutanga vasangana nevatatu ava. Asi Alderman
Chakabuda varamba mashoko avari kupomerwa aya, vachiti mabasa evamwe vari
mubato ravo vari kuda kusvibisa zita ravo pamwe nerebato reM-D-C.
Sachigaro weM-D-C mudunhu
reMasvingo, VaWilstaff Chitemere, varambawo kutaura nezvenyaya iyi.
Alderman Chakabuda
vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti havana nguva yavakambopinda mubato
reZanu PF.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...