Sangano rinobatsira vanhu
vanorarama neHIV/AIDS, re The Centre, rinoti vane hutachiwana havafanirwi
kungotarisira kupihwa ma Anti-Retroviral Drugs, kana kuti ARVs chete, senzira
yekurapa chirwere ichi. Sangano iri rinoti vanhu vane hutachiwana vanofanirwa
kuwana kudya kwakakwana, mishonga yechivanhu pamwe nema ARVs, kuitira kuti
vabatsirikane. Sangano iri rinoti riri mushishi yekutsvagira vari kurwara zvose
zvinodiwa.
VaFred Kachote ndivo acting
director ve The Center. Carole Gombakomba weStudio7 aita hurukuro naVaKachote
kuti tinzwe zvizere, pamusoro pekurudziro yavo iyi.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...