Sangano revarairidzi reP-T-U-Z
rinoti riri kushushikana zvikuru nekutadza kubudirira kwekunyorwa kwebvunzo
dzekupera kwegore dzeGrade 7. Sangano iri rinoti rinorwadzikana zvikuru
nekukundikana kweZIMSEC nebazi redzidzo kutambira pfungwa yekuti bvunzo dzose
dzegore rino dzisendekwe sezvo vana, vadzidzi pamwe nebazi redzidzo, vasina
kugadzirira zvakakwana.
Bvunzo dzeGrade 7 dzaifanirwa kutanga kunyorwa neMuvhuro
svondo rino, asi hadzina kubudirira mushure mekunge ZIMSEC yatadza kutumira magwaro anoratidza nguva inofanirwa kunyorwa bvunzo
pamwe nemibvunzo kuzvikoro. NeMuvhuro P-T-U-Z yakasangana nemunyori mukuru
mubazi redzidzo, VaStephen Mahere, vachida kuti bvunzo dzisanyorwa gore rino.
Asi
mumwe mushandi mubazi redzidzo anoti vachiri kuongorora zvakabva kusangano
revarairidzi iri. Bazi redzidzo raudzawo bepanhau reHerald kuti rakagadzirira
chose uye bvunzo dzichanyorwa kana rangopedza kugadzirisa hurongwa hwariri
kuita.
Mutungamiri wePTUZ, VaTakavafira Zhou, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio
7 kuti hurumende yava kungonyara kubuda pachena kuti yakundikana munyaya
dzedzidzo.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...